Kwayedza
Muchaneta Chimuka
SANGANO reMusasa Project rakabatana nemamwe mapoka anorwira kodzero dzevanhukadzi kunzvera mutemo weSADC Model Law kuti vaone kuti ungashandiswa sei nemazvo mukurwisa nyaya dzekuroodzwa kwevana uye kuvapa chengetedzo.
Vachitaura pachirongwa ichi muHarare munguva pfupi yadarika, Mai Vimbainashe Mutendereki vanova director weMusasa Project vanoti nyaya dzekumbunyikidzwa kwevana nemadzimai dziri kuramba dzichiwanda munyika nokudaro mitemo inofanira kusimbaradzwa kuti vachengetedzwe.
“Kuroodzwa kwevana kwakangofanana nekubatwa chibharo nekuti pwere hadzina sarudzo yekupinda pabonde. Nokudaro tiri kupenengura mutemo weSADC Model Law tione kuti zvii zvirimo zvatingatora senyika tichengetedze vana. Nyaya dzekuroodzwa kwevana dziri kuwanda, vamwe vachiti vanenge vachitsvaGa pfuma, kuromba, nyaya dzemakereke nezvimwe. Nokudaro isu vanhu...