Uncategorized

Vanasikana vechikoro vakadhakwa

30 Oct, 2021 - 14:10 0 Views
Vanasikana vechikoro vakadhakwa VaEdward Shumba

Kwayedza

Ray Bande

VANASIKANA vaviri, avo vari kuita Form 2 paSt Patrick’s High School iri kuNyanyadzi, vanonzi vakatiza pachikoro vachibva vaenda kunonwa doro nevamwe varume vemunharaunda rinova dambudziko remusikanzwa yanetsa muvana.

Asi VaEdward Shumba – avo vanova Provincial Education Director (PED) kudunhu reManicaland – vanoti vakuru vepachikoro ichi vari kurambisisa nyaya iyi vachiti hapana zvakadaro zvakaitika.

“Ndakataura naDSI wenzvimbo iyi akati hapana zvinhu zvakadaro zvakaitika pachikoro ichi,” vanodaro VaShumba.
Zvisinei, sachigaro wekomiti yeSchool Development Committee (SDC) yepaSt Patrick’s High School – VaCanaan Matiashe – vanotsinhira nezvenyaya iyi.

“Tiri kushungurudzika nehunhu hwevana vepano paSt Patrick’s High School. Vakuru vechikoro apa havasi kushanda pamwe neSDC kuti tione kuti tingabatsirana sei nevamwe vana mukuvaranga. Nyaya iyi yakaitika nemusi wa6 Gumiguru uye yatova pajekerere munharaunda yeNyanyadzi apo vana vari kutaurwa nezvavo ava vakaonekwa vachinwa doro nemumwe murume wemunharaunda umu. Kune zvakawanda zviri kuitika pachikoro apa zvinoda kuongororwa,” vanodaro VaMatiashe.

Vamwe vanhu vemunharaunda vakazivisa munyori uno kuti pazuva iri vana ava, avo vari kuita Form 2 pachikoro ichi, vakabhadhara mari yechiokomuhomwe kuvarindi vepachikoro kuti vapihwe mvumo yekubuda.

Vanasikana ava vanonzi havasisiri pachikoro nekudaro pane fungidziro yekuti vanogona kunge vakadzingwa pasina matanho ari pamutemo akatorwa, zvikuru takatarisa nyaya dzekushungurudzwa nenzira yebonde idzo dzinonzi dzakaitika panguva iyo vana ivava vakabuda muchikoro.

VaShumba vanoti zvinowanza kuitika kana vachitarisa mutemo wedzidzo (Education Policy 35) ndezvekuti vana vanoita misikanzwa pachikoro vanombomiswa kuuya kuchikoro kwemasvondo maviri pachiitwa ongororo uye vabereki vavo vanoziviswa, saka vana havangodzingwe.

Chaplain wepachikoro apa Father Eugene Okere vanoramba kutaura neKwayedza pamusoro penyaya iyi.

“Chikoro chimwe nechimwe chinotevedza mitemo, zvimwe chetezvo neSt Patrick’s Mission. Sakai iwe (kureva munyori uno) dzokera kuvanhu vakakuudza nyaya yako vanokuudza mashoko kwawo wozofonera munyori muchikamu chedzidzo ari kwaMutare uye unotokwanisa kutofamba netsoka kubva kumahofisi ako kuenda kuCathedral kunomutsvaga,” vanodaro.

VaLawrence Chibvuri, avo vanova munyori kuchikamu chedzidzo muchechi yeRoman Catholic Church Mutare Diocese, vanoti vanoda kuita ongororo izere yenyaya iyi.

“Nyaya iyi ndanga ndisati ndaziviswa nezvayo, saka ndava kubata Father Okere. Vati vanga vari kuedza kukufonera (kureva munyori uno). Vari kutsinhira kuti nyaya iyi yakaitika uye vabereki vevana vakatoudzwa kuti vatsvagire vana vavo nzvimbo kune zvimwe zvikoro nekuti zvakaonekwa kuti hazvichakodzera kuti vana ava varambe vachienderera mberi nedzidzo paSt Patrick’s.

“Ndinovimba vabereki nevana vakapanzwisisa. Saka ndichatoendako kuchikoro kwacho kunoitawo ongororo yangu, ndiko kuti ndizokwanisa kukupa mhinduro yakakwana nokuti pari zvino ndakupa mashoko abva kunachaplin wepachikoro,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>