Vanhu vatatu vapondwa

15 Apr, 2023 - 09:04 0 Views
Vanhu vatatu vapondwa Inspector Mahoko

Kwayedza

Kingstone Mapupu

VANHU vatatu vanonzi vakapondwa kunzvimbo dzakasiyana kudunhu reMidlands mumazuva akatevedzana apo mumwe wacho akarohwa nedanda akafa nemurume waaiita naye majana ekufudza mombe mushure mekunge anonoka kudzivhura kuti dziende kumafuro.

Mutauriri wemapurisa kuMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko, vanoti munyaya yekutanga, Sydney Maketo (26) wekwaSabhuku Senamwe, kwaMambo Nhema, kuShurugwi, akafa mushure mekurohwa nedanda naBrian Makota uyo waaita naye majana ekufudza mombe.

Makota anonzi musi uyu akanonoka kuendesa mombe kumafuro sezvo chaiva chijana chake.

Maketo akazoenda kunomubvunza kuti sei akanga anonoka kuvhura mombe vachibva vatanga kupopotedzana.

Makota anonzi akatora danda ndokurova naro Maketo kaviri mumusoro achibva adonhera pasi.

Nyaya iyi yakazomhan’arwa kumapurisa epakamba yeTongogara.

“Sydney Maketo akazozvimba musoro achibva atanga kubuda ropa nemumhuno zvikaita kuti aendeswe kuchipatara cheShurugwi uko akasvika achifa,” vanodaro Insp Mahoko.

Makota haasati abatwa uye achiri kutsvagwa nemapurisa.

Nyaya yechipiri yakaitika kudunhu raMambo Chireya, kuGokwe, apo mukoma nemunin’ina vanonzi vakarangana kuponda mukoma wavo vachimupomera huroyi.

“Tine nyaya yevanin’ina vakaponda mukoma wavo vemumusha wasabhuku Mavikeni, kwaMambo Chireya, kuGokwe vachimupomera kuti muroyi. Pondai Manyao (53) anonzi akapondwa naCollen Javhu achibatsirana naFrancis Sibanda.

Vanonzi vainwa doro vose panzvimbo yemabhizimisi yeGoredema apo vakatanga kukakavadzana vachipomera mufi uyu mhosva yekuti aiva muroyi,” vanodaro Insp Mahoko.

Javhu naSibanda vanonzi vaipomera Manyao mhosva yekuroya vemhuri achikonzera rufu rwavo uyewo nehurwere.

Javhu anonzi akatema Manyao katatu nedemo mumusoro uyewo Sibanda achibva amurova nebhutsu pachipfuva kakawanda nemumbabvu vachibva vatiza panzvimbo iyi vaona kuti akanga afenda.

“Nyaya iyi yakazomhan’arwa kumapurisa ichibva yatanga kuferefetwa uye varume vaviri ava vari kutsvagwa nekuda kwemhosva yavari kupomerwa. Manyao akadziuka maronda makuru mumusoro, anonzi airwadziwa zvakanyanya achitaura kuti pachipfuva nemumbabvu zvairwadza zvikuru zvikaita kuti aendeswa kuchipatara cheGokwe North District Hospital uko akasvikorapwa ndokuzodarikidzwa kuGweru Provincial Hospital achibva afa asati asvika,” vanodaro Insp Mahoko.

Mapurisa ari kukumbira vanoziva kuna Javhu naSibanda kuti vazivise mapurisa ari padyo navo.

Munyaya yechitatu, Joseph Evasi (26) wekuMbizo, kuKwekwe, anonzi akafa achimhanyiswa kuchipatara mushure mekubaiwa nebanga naBlessing Foloma anova mukorokoza apo vainwa doro vose.

Izvi zvinonzi zvakaitika manheru emusi wa8 Kubvumbi.

“Nemusi uyu, zvinonzi Joseph Evasi akabva pamba pake aina Blessing Foloma ndokutanga kunwa doro panzvimbo yemabhizimisi yeGrand Shopping Centre, kuMbizo. Joseph Evasi akazowanikwa akarara pavharanda akafenda achibuda ropa pachipfuya nepagokora achibva atakurwa kuendeswa kuchipatara uko akasvika achifa,” vanodaro Insp Mahoko.

Mukuferefetwa kwenyaya iyi, pane fungidziro huru yekuti Foloma ndiye akapara mhosva iyi sezvo asina kuzoonekwa zvakare mushure mekupondwa kwaEvasi uye vakange vaswera vose musi uyu.

“Munyaya nhatu idzi, tinokurudzira veruzhinji kutaurirana nyaya dzavo zvakanaka pasina kukakavadzana uye kana vatadza kuwirirana votsvaga vayananisi,” vanodaro Insp Mahoko.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey