Uncategorized

Vashandi veHurumende vonzi vagare kudzimba

14 Aug, 2020 - 00:08 0 Views
Vashandi veHurumende  vonzi vagare kudzimba Ambassador Wutawunashe

Kwayedza

Mukudzei Chingwere

HURUMENDE inoti chikamu chemakumi masere kubva muzana (85 percent) chevashandi vayo hachizi kuenda kubasa pari zvino uye yakatora danho iri senzira yekudzivirira kupararira kweCovid-19 pakati pevasevenzi vayo.

Izvi zvinoreva kuti chikamu chegumi nezvishanu kubva muzana (15 percent) chete chevashandi veHurumende ndivo vari kuenda kubasa pari zvino.

Vanoshanda mabasa akanyanya kukosha ndivo vane chikamu chikuru chiri kuenda kubasa.

Kudzikiswa kwehuwandu hwevashandi veHurumende vari kuenda kumabasa kunoita kuti zvive nyore pakuchengetedza utano hwavo sezvo panenge pasina nyaya dzekushanda vakaita chitsotsoko nechinangwa chekumisa kupararira kweCovid-19.

Public Service Commission (PSC) inoti chikamu che15 percent chevashandi bedzi ndicho chinofanirwa kuenda kubasa uye vari kudzimba vanofanirwa kugara vakagadzirira kuitira kuti vari pabasa vanogona kuwandirwa, ivo vozoshevedzwa.

Nevashandi vanosvika 300 000, Hurumende ndiyo inopinza vasevenzi vakawanda basa uye 45 000 vavo ndivo vari kunzi vaende kubasa izvo zvichadzikisa zvikuru huwandu hwevanenge vachishanda.

“Tinoda kuti chikamu che15 percent chevashandi vave panzvimbo dzavo dzekusevenzera. Tinoda kudzikisa huwandu hwevashandi panzvimbo dzavanoshandira.

“Vamwe vanogara vakagadzirira kuzodaidzwa kuti vauye kubasa kana vanenge varipo vakurirwa nebasa kana kuti vachida kumbozorora,” vanodaro Ambassador Jonathan Wutawunashe avo vanova munyori mukuru wePSC.

“Izvi hazvikwanisike kuitwa mumapazi ose, kune vanoita mabasa akanyanya kukosha hazvigoneke kuti vashande nechikamu che15 percent.”

Ambassador Wutawunashe vanoti Hurumende iri kukoshesa zvikuru nyaya dzekuti utano hwevashandi vayo huchengetedzwe panguva ino yekurwisa kupararira kweCovid-19.

Vanoti apo Hurumende iri kuchengetedza utano hwevashandi vavo, ine basa guru zvakare rekuona kuti mabasa akakosha ari kuenderera mberi pasina zvimhingamipinyi.

“Hurumende inokoshesa zvikuru utano hwevashandi vayo nekudaro icharamba ichiongorora mamiriro ezvinhu maringe nechirwere cheCovid-19, icho pari zvino chinoratidza kuti chiri kubata vanhu vakawanda munyika muno.

“Nekudaro zvakakosha kuti Hurumende irambe ichivandudza nzira dzekuchengetedza vashandi vavo. Panguva iyo mabasa akakosha anofanirwa kuramba achienderera mberi, Hurumende yatora danho rakakosha zvikuru rekudzikisa huwandu hwevashandi vavo vari kuenda kubasa senzira yekumisa kutapurirana chirwere ichi,” vanodaro.

Zimbabwe kusvika pari zvino yave nevanhu 4 748 vawanikwa vaine Covid-19 mushure mekuvhenekwa.

Pahuwandu uhu, 1 544 vakatonaya asi vamwe 104 vakafa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey