Uncategorized

Vatenderedzwa misoro nezizi

13 May, 2016 - 00:05 0 Views

Kwayedza

MHURI inogara mumusha weHatfield, muHarare, svondo rapera yakafumoona mutumba wezizi uri muimba yekutandarira inova nyaya inofungidzirwa kuti ine chekuita nehuroyi uye iri kunzi yamutsa kukandirana nyoka mhenyu pakati pevagari vepamusha uyu.

Chiitiko ichi, icho chakonzera kutaura kwakasiyana munharaunda iyi, chakaitika panhamba 115 Harare Drive panova paSekuru James Maringa (79) nemudzimai wavo, Mbuya Susan Maringa (69).

Mukubuda kwenyaya iyi, zvinonzi husiku hwaiva hwadarika, vemhuri iyi vakatandara kusvika pakati pehusiku ndokuzobuda mumba yekutandarira vachisiya vavhara mahwindo nemagonhi nguva dzava kuma12 pakati peusiku mumba umu musina zizi.

Mangwana acho, musikana webasa wepamba apa anonzi akamuka vamwe vachakarara kuma6 ndokudhumana nezizi rinonzi raiva rakamhara padisplay.

Pakapinda musikana uyu mumba maraive, zizi iri rinonzi harina kana kumbovhunduka.

Pava paya, rinonzi rakazobhururuka richitenderera mumba kusvikira Sekuru Maringa nemudzimai wavo vamuka.

Musharukwa uyu anonzi akazoshandisa chimuti chemutsvairo (broom) kurova zizi iri kusvikira rafa.

Musikana webasa wepamba apa anonzi mutsva uye ndiye ari kupomerwa kuti zizi iri rinogona kuva rake.

Sekuru Maringa nemudzimai wavo vanotsinhira kuti vakaona zizi mumba mavo izvo zvavanotsanangura semashura asi ndokuramba mashoko ekuti vari kupomera musikana wavo webasa kuti ndiye muridzi waro.

Sekuru Maringa vanoti: “Aiva mangwanani chaiwo apo musikana webasa wandinongoziva kuti anonzi amai Junior akamuka achibva anosangana nemashura aya.

“Akamhanya kumba kwatinorara ndokutimutsa achiti aiva aona zizi. Takaenda tikarionawo.”

Vanoti vakarirova dakara rafa zvisinei nekuti vaitya sezvo vaisaziva chinangwa chezizi iri.

“Nyaya yakadai hatina kumbobvira takasangana nayo, inotyisa nekuti zizi iri raiva hombe zvikuru. Isu tiri vanhu vanotya Mwari zvekuti dai pasina izvozvo tingadai takaenda kun’anga kana kumaporofita kunobvunzira. Pazera redu hatina kumbosangana nezvakadai,” vanodaro.

“Chinonetsa panyaya iyi ndini ndakagumisira kubuda muimba yekutandarira iyi sezvo vanhu vakabuda vakasiya ndichiona TV, ndokuzovhara mahwindo nemagonhi kuma12 pakati pehusiku. Mumba umu mainge musina zizi kana chimwe chinhu kana patingati rakapinda napo. Hamheno ringava rehuroyi kana kuti chii, zvose tinozvisiya kuna Mwari,” vanodaro.

Zizi ishiri inonzi nevanotenda mune zvechivanhu inoshandiswa nevaroyi.

Zizi iri, vanodaro Sekuru Maringa, harina kurwisa munhu kana kumara serunyerekupe rwuri kufamba munharaunda iyi.

“Mashoko ekuti rakarwisa kana kumara vanhu kunyepa. Ndariuraya, ndakaenda naro kukasango mumiti iyo uko ndakanoripisa nedhiziri. Kana vana vedu vari kunze kwenyika takavazivisa, inyaya inonyadzisa musaiburitse (mubepanhau).

“Ndiri munhu anozivikanwa zvikuru kunyangwe kwenyu kumapepanhau ikoko ndakatoviga vazhinji vakuru venyu nevamwe variko ndinozivana navo,” vakadaro.

Zvisinei nekuti pamba apa pane sango remiti mikuru yakakomberedza dzimba, Sekuru Maringa vanoti vashamiswa nechiitiko ichi.

Mbuya Maringa vanotiwo vakatyiswa nenyaya iyi uye vanongozviisa kuna Mwari.

“Nyaya iyi yakaitika chokwadi. Asi tinodaka kuziva kuti ndiyani akasvika nayo kwamuri. Inyaya yakaitika muno, hapana akaiziva kunze uko. Asi hakuna chinoitika Mwari vasati vada saka zvose tinozvipira kuna Mwari,” vanodaro.

Mbuya Maringa vanotiwo zvichida pamagariro avo vanogona kunge vaine vanhu vanochiva upenyu hwavo avo vavasingazoziva zvavanofunga.

Kwayedza haina kukwanisa kutaura nemusikana webasa wepamba apa uyo anonzi ndiye akatanga kuona zizi iri sezvo akanzi aive asipo.

Zvakadaro, Madzibaba Elias Gomwe vekuChitungwiza vanoti iri raisava zizi remusango asi rehuroyi sezvo risina kuonekwa parakapinda napo.

“Tisingade zvedu kuvhundutsira mhuri iyi, chokwadi chiripo vanhu ava vainge vashanyirwa nevaroyi. Zvinoratidza kuti muroyi akayedzerwa.

“Zizi chimisikidzo chevaroyi, pangava pamba kana musango. Vangadai vasina kuriuraya vasati vafamba kune vemweya. Saizvozvi vanofanirwa kufamba kwete kungogara nekuti vari mukuedzwa. Vachaitirwa zvihombe, vanoda kushandirwa nevemweya pamba pavo,” vanodaro Madzibaba Elias.

VaJonathan Shonhiwa kana kuti Sekuru Mupamombe vekuChiredzi, vanoti zizi iri rinogona kuva remusango kana kuti rehuroyi.

“Zizi nedzimwe mhuka dzakaita semapere nekatsi kusanganisira nyoka zvinoshandiswa nevaroyi. Saka tinoti isu vanhu vakaona zvinhu zvakadai pamusha ngavakurumidze kufamba voona kuti chii,” vanodaro.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey