Uncategorized

Vatori venhau vakafizuka vari pabasa

08 Apr, 2016 - 00:04 0 Views
Vatori venhau vakafizuka vari pabasa Joram Muchina

Kwayedza

Joram Muchina

Joram Muchina

VATORI venhau veKwayedza vakachiona nemusi weChishanu wadarika apo vamwe vavo vakabatwa nehope dzemadzikirira vari pabasa mushure mekunge vashanyira musha uri kuitika mashiripiti emoto unongopisa zvinhu kwaZimunya.

Mashiripiti akatanga apo motokari yedu yakaponja mavhiri zvisinganzwisisike tava kuda kusvika pamusha uyu rwendo rwacho rwukada “kugugwa negurwe”.

Kwayedza yakazosvikira kwatete vemhuri iyi, Mbuya Winia Bvirindi (85), uko hurukuro dzaifanirwa kutangira.

Tiri vatatu – mutori wenhau uno, mutori wemifananidzo Shelton Muchena nemutyairi Joramu Muchina – takatambirwa ndokupihwa pekugara pasi pemuti paiva pagere Mbuya Bvirindi nemuzukuru wavo Elisha Kanogwere (47) nevamwe.

Mutori wenhau uno achingotanga kupinda munyaya nekuzvizivisa kuti ndivana ani uye chinangwa chavo kuna Mbuya Bvirindi, Muchina naMuchena vakange votoridza ngonono vakotsira vagere vakatarisa pasi.

Zvakashamisa kuti vakanga vakotsira nguvai sezvo Kwayedza yakange iine maminitsi asingasvike matatu ichangosvika pamusha uyu.

Mutori wenhau uno akazviona, kuti pane zvakanga zvisina kumira zvakanaka ndokutanga kuzunza vaviri ava achivamutsa.

Muchina naMuchena vakazovhunduka vachimuka apo vaibuda siriri rerute sezvindumurwa zvaibva kuhope.

Vose vanoti havazive zvakaitika kwavari, mukukotsira hope dzehumambo vari pakati pebasa ravo.

Varidzi vemusha uyu vakangogadzurudza chiitiko ichi vachiti kwaiva kuneta kwakanga kwaita kuti varume vaviri ava vasvike pamusha uyu nekusvikobatwa nehope.

“Kuneta kwavaita, kwamabva kure uye kuri kupisa,” akadaro Rebecca Bvirindi.

Sezvainzi zvekukotsira zvaiva zvishoma, Muchena aitora mifananidzo dzimwe nguva camera yake ichidonha pasi achiti yaibvutwa mumawoko nechinhu chaaisaona ichikandwa pasi. Zvaitomushamisawo.

Akatorawo foni yangu, iyo akatanga kutoresa mifananidzo, asi aingoidonhedza pasi ichiwira kure naye achitizve yaibvutwa nemunhu waaisaona.

“Handizive zviri kuitika, camera yangu nefoni yako zviri kungodonha. Hamheno ndinoita sendinobvutirwa. Itai tibve pano vakomana!” akadaro Muchena achiratidza kutya kukuru. Izvi zvakaitika achitora vhidhiyo kuna Elisha.

Mushure mezvo, vatori venhau, Elisha nemuzukuru wake Rebecca, vakazoenda kumba kwevabereki vaElisha uko Muchina naMuchena vakasvika vachikotsirazve apo vakange vachangogara mumasofa.

Vakatanga kupfodora hope vachishona ngonono kusvikira ndavamutsa. Asi hameno kuti sei, ini handina kubatwa nehope sezvaiita vamwe vangu.

Sekuru Elisha Mutanga vekuUshewokunze, muHarare, avo vanova nyanzvi munyaya dzechivanhu, vanoti Muchina naMuchena vaibatwa pfungwa nezvidhoma kana zvikwambo.

“Izvi zvidhoma zviri pamusha apa zvaivhiringa pfungwa saka hadzisi hope. Iwe (kureva mutori wenhau uno) waitadza kukotsira kureva kuti une zvekwako kumusha zvinokuchengeta izvo zvinokurwira.

“Pakadaro apa munogona kusvika muchifa marohwa nekuti kubuda kwavaiita furo nemasiriri hazviitwe pavanhu, vakatenge vadirwa mweya kana kuti hunye hwezvidhoma,” vanodaro.

Vanoti pamusha apa vanhu vari kutogara nezvidhoma zvinova izvo zviri kubatidza moto uyu.

Sekuru Mutanga vanotiwo pamusha uyu panogona kunge paine ngozi iri kurwisa.

“Pane mishonga inoshandiswa nembavha yekukotsirisa vanhu kana kuti mipetabere inoshandiswa nezvikwambo kana mweya yevanhu vakafa. Maisada kunzi mutore nyaya yemoto iyi saka zvaidaro. Maigona kuitiswa tsaona mave kudzoka,” vanodaro Sekuru Mutanga.

Vanoti zvakakosha kuti kana vatori venhau vadzoka kubva kunzvimbo dzakadai, vanofanirwa kubatsirwa nekugezezwa pachivanhu kuti vasaende kudzimba kwavo vakabereka mweya yakaipa sezvo zvichiguma zvavakanganisa nemhuri dzavo.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey