Uncategorized

Vobatsira vana vechikoro

15 May, 2020 - 00:05 0 Views
Vobatsira vana vechikoro Mai Matondo vachipa vana vechikoro chikafu

Kwayedza

Kingstone Mapupu
SANGANO rakazvimirira reCreating Better Futures (CBF) riri kubatsira vana vechikoro nezvekudya zvinosanganisira bota, mahewu nembatya dzekupfeka panguva ino apo vagere mudzimba nevabereki vavo nekuda kwechirwere cheCovid-19.

Svondo rino sangano iri rakabatsira vana vechikoro vekuDomboshawa, kuGoromonzi, nevamwe vekuzvikoro zviri kuBindura nezvekudya.

Mai Beverley Matondo, avo vanove muvambi wesangano iri, vanoti vakaona zvakakodzera kuti vabatsire vanoshaya panguva yakaoma.

“Hatina kutanga nhasi kuita izvi, sangano redu takariumba mugore ra2012 ndokutanga kubhadharira vana vanoshaya mari dzechikoro nekuvatengera mayunifomu nemabhuku nedzimwe mbatya,” vanodaro Mai Matondo.

Nemusi weChipiri svondo rino sangano iri rakapa bota nemahewu kuvana vechikoro vanokwana zana vakabva kuzvikoro zvakasiyana kudunhu reDomboshawa neBindura.

“Vana vatiri kupa mahewu nebota ava vazhinji vavo ndivo vatinobhadharira mari dzechikoro nekudaro taona kuti hazvikwanisike kuti tovasiya vachifa nenzara kudzimba nevabereki vavo,” vanodaro Mai Matondo.

Vana vakabatsirwa nebota nemahewu kuDomboshawa vanosanganisira vepazvikoro zvinoti Zimbiru Primary nesekondari, Mutake Primary, Parirewa Secondary, Makumbe Visitation, Chinhamora Primary nesekondari neCheza Primary.

Sangano iri rakabatsirawo vana vezvikoro zvesekondari zviri kuBindura zvinoti Muchapondwa, Murembe neMasembura.

Zvinhu zvakapihwa kuvana vechikoro ava zvakagashidzwa kuvamiriri vavo pachikoro cheMutake Primary neCheza Primary.

“Nhasi tiri kuno kuDomboshawa uko kune hofisi yedu uko kwatiri kupa vana mahewu nebota vanodarika zana. NeMuvhuro taiva tichipa vana vekwaChitakatira Primary nesekondari kwaMutare.

‘‘Chirongwa ichi chiri kuramba chichifambira mberi sezvo donzvo redu tichibatsira vana vanobva mudzimba dzevanoshaya.”

Mai Matondo vanoenderera mberi vachiti, “Ndinoshanda nevabereki nevakuru vezvikoro nebazi rezvedzidzo mukuita kuti chirongwa chedu chibudirire. Tinobatsira vana kubvira kuECD kusvika kuyunivhesiti uye rubatsiro rwedu rwukuru rwunobva kuvanhu vakazvimirira vekuUK.”

Sangano iri nguva yadarika rakacheresa chibhorani paMutake Primary pamwe chete nekuvakisa zvimbuzi uyewo rakaisa mapombi nematangi emvura paNyamande Primary.

Vamwe vevana vakabatsirwa vanosanganisira Tinotenda Zogara (18) uyo ari kuita Fomu 5 paMakumbe Visitation naLeoba Manyati (18) ari kuita Form 6 pachikoro chimwe chete ichi uye vanotenda sangano iri.

Mai Beulla Maradzamunda (45), avo vane vana 4 vari kupinzwa chikoro nesangano iri, vanoti, “Dai Mai Matondo vari kutibatsira zvikuru seni ndinorarama nemaricho. Murume wangu haashande,” vanodaro.

VaChristopher Muswere (41) avo vakataura vakamirira Sabhuku Cheza vanotenda nerubatsiro urwu vachiti, “Iye zvino tigere pamba nekuda kweCovid-19 nevana vedu hatina mabasa atiri kuita, saka tinotenda CBF.”

VaTawanda Lawrence Mutanhaurwa (33) vanotungamira mabasa esangano iri vanoti vane huku dzemazai, nguruve, madhakisi nehuku dzechivanhu izvo vanopa kuzvikoro kuti zviite mabhindauko anozvipa pundutso.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey