Uncategorized

Votsvaga mbiri naTapiwa

20 Nov, 2020 - 15:11 0 Views
Votsvaga mbiri naTapiwa Tapiwa Makore jnr

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) anoti musoro wemwana akapondwa kwaMurehwa, mutumbi wake ndokuzonhongwa ikoko asi usina dzimwe nhengo hausati wawanikwa uye vachiri kuenderera mberi nekuferefeta nyaya iyi.

Tapiwa Makore (Jnr) akapondwa mwedzi wadarika, mutumbi wake ndokunhongwa asi usina musoro, maoko nemakumbo ose.

Kune vanhu vakatosungwa nekuda kwenyaya iyi, vamwe vacho vemumhuri yekwaMakore.

Nemusi weChitatu, mapurisa akaenda kumba kwaThanks Makore, mumwe wevari kupomerwa kuponda mwana uyu, panhamba 14367 Phase 1, kuDamofalls vachitsvaga dzimwe nhengo dzemwana uyu idzo dzainzi dzakachererwa muvhu, ndonokufushira pamba apa asi hapana chakawanikwa.

Mhomho yevanhu vakaungana pamba apa vachida kuona zvaiitika apo vamwe vaiimba nekuita ruzha.

Mapurisa aive nembwa dzinofembedza hwema uye vakasvika pakuridzira pfuti mudenga sezvo mhomho yaivepo vaida kupinda muchivanze chemba yaThanks Makore nechisimba.

Asst Comm Nyathi vanoti hapana chakawanikwa pamba apa uye mapurisa ari kuenderera mberi nekuferefeta nyaya iyi.

Zvichakadai, mapurisa ari kuyambira maporofita nen’anga vari kuda kutsvaga mbiri nenyaya yekupondwa kwaTapiwa (Jnr) kuti vasiyane netsika iyi sezvo vanenge vachitopara mhosva.

Vanoti kune dzimwe n’anga nemaporofita vave kuda kutora mukana wekuita mbiri nekupondwa kwemwana uyu.

“Kufa kwemunhu uku, tinoti vanhu ngavarege kutamba nekunyepera vanhu vachida kuwana mari. Isu semapurisa tiri kufambira mberi nekuferefeta nyaya iyi kusvikira zvose zvabuda pachena,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Mhomho yainge yakaungana pamba paThanks Makore yakaona bhaisikopo repachena apo mumwe mudzimai anonzi Purity Chidziva (43), uyo anoti anonamata chechi yeJohane Masowe weChishanu, akangotanga kuita seabatwa nemweya waTapiwa (Jnr).

Chidziva aichema achiti aneta, mweya wake unoda kuzorodzwa achiti:

“Ndini Tapiwa, ndinoda kuonekwa. Ndaneta ndinoda kuzorodzwa, ndinoda kuonekwa, ndinoda kuonekwa. Ndatambudzwa nguva yareba ndoda kuti vanhu vaone ndichiburitswa.”

Chidziva paakazobvunzwa neKwayedza kuti chii chaiitika kwaari, anoti hapana zvaanoziva.

“Hapana zvandinoziva pane zvose zvaitika, ini ndinongova muhakiri pane matambudziko anobata vanhu. Ndinohaka. Saka uku kuhakira kwandaita padambudziko rekupondwa kwemwana uyu,” anodaro.

Asi vamwe vakaona izvi vanoti Chidziva ari kuda kutsvaga mbiri pasina.

“Zviri kupiwo, ari kunyebera uyu. Ko sei izwi rake risiri kuita seremwana wacho akapondwa? Kutsvaga mari uku musamutevedzere uyo, ane dzakewo mhepo,” mumwe murume wechidiki aive muchainga chevanhu akanzwikwa achidaro.

Kune imwe n’anga zvakare yekuMuchinjike, kwaMurehwa, iyo nguva yadarika yakaenda kumusha wekwaMakore ichiti iri kubatwa nemweya waTapiwa (Jnr).

N’anga yechidzimai iyi yakazotorana nevamwe vemhuri yekwaMakore ndokutungamira kuenda pane imwe imba iri mumusha weDzivarasekwa, muHarare, ichiti ndipo paiva nemusoro wemwana uyu asi hapana chakaonekwa.

Mumwe murume wemuHarare anozviti muporofita uye anozivikanwa saProphet Micheal Tinashe Sello anotiwo musoro wemwana uyu wakaendeswa kunyika yeMozambique uye anogona kutungamirira mapurisa kuenda kunoutora.

Asi chinoshamisa haana kuudza mapurisa izvi, asi vanhuwo vasiri mukuferefetwa kwenyaya iyoyi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey