‘Wanisai vana mikana yedzidzo yakaenzana’

20 Nov, 2015 - 00:11 0 Views

Kwayedza

SANGANO rinorwira kodzero dzevanorarama nehusope, reAlbino Charity Organisation of Zimbabwe (Alcoz), rinoti vana vose vanofanira kuwaniswa mikana yakaenzana yekudzidza zvisinei nehurema hwavanenge vainahwo.

Muzvare Loveness Mainato, avo vanove mukuru weAlcoz, vanoti vana vanorarama nehusope havafanire kutarisirwa pasi kuchikoro uye chero vabereki vanofanira kukoshesa kodzero dzavo dzekudzidza kwete kuvasiyanisa nevamwe.

“Chinangwa chedu mugore ra2016 ndechekuti vana vose vanorarama nehusope vange vava nemagirazi anovabatsira pakuverenga.Takaona kuti sesangano, zviri nani kuti tirwise kuti vana vedu vave nemagirazi aya pane kuti tipe chikumbiro chekuti vagadzirirwe mabhuku ane mavara mahombe avanokwanisa kuverenga.

“Zvinogona kupedza nguva huru kuti paite hurongwa hwekugadzirisa mavara uye vana ava vanenge vachitosarira mukudzidza kwavo asi zvemagirazi zvinotora nguva pfupi. Pari zvino chimwe chidimbu chevana vatinoshanda navo chatova nemagirazi ekuverengesa asi dambudziko richiri pakuti kumaruwa hatisati tanyanyotekeshera nenyaya yehomwe yedu,” vanodaro Muzvare Mainato.

Vanoti vari mubishi kutsvaga vana vasiri kuwana mari yechikoro vachivabhadharira.

Muzvare Mainato vanoti gore rino vakwanisa kubatsira vana vanorarama nehusope vanobva kunzvimbo dzakaita seHarare, Chitungwiza nekwaChihota.

“Chirongwa chekubatsira vana ichi tinotarisa kuti chichatekeshera nenyika yose kana tikawana vanotibatsirawo kushambadza mashoko kune vana vane husope vasiri kuwana rubatsiro pamwe chete nevemabhizimisi vanoda kutibatsirawo.

“Vamwe vatiri kubatsira ndeavo vari kutadza kuenda kuchikoro nekuti vabereki vavo vanovasarudza vachiendesa vasina husope kana kuti vanababa vacho vanenge vatiza vanaamai vopererwa kana kushaya pekutangira,” vanodaro Muzvare Mainato.

Dion Mazhinye (16) wepaSeke 1 High, kuChitungwiza, uyo ari kubatsirwa pasi pechirongwa cheAlcoz, akatenda sangano iri nekuvayamura kwariri kuita.

“Ndakatanga kuwana rubatsirio urwu muna 2014 ndiri muForm 2 uye ndinobhadharirwa patemu yoga-yoga.

‘‘Izvi zvinondibatsira nekuti sangano iri rinondipa chero mabhuku chaiwo kana ndisina kupihwa nevabereki vangu.

“Amai vangu vakashaika saka baba vakazoti havakwanisi kundibhadharira mari yechikoro. Vakoma vangu ndivo vaimbondibhadharira ndisati ndawana rubatsiro kubva kuAlcoz uye ndivo vanombonditengera mabhuku.

“Chishuviro changu ndechekuti veruzhinji vatibatewo sevanhu vakangofanana naivo.

‘‘Vadzidzisi vanofanirawo kutidzidzisa vachinzwisisa dambudziko redu nekuti kuona kunotinetsa,” anodaro.

Mashoko ake akatsinhirwa naHope Nyika (17) ari kuita Form 3 paZengeza 3 High kuChitungwiza kwakare achiti akatanga kuwana rubatsiro rwemari yechikoro kubva kuAlcoz muna 2012.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey