Zanondega akasiya jira mumasese

13 Nov, 2015 - 00:11 0 Views

Kwayedza

TINOZVIZIVA kuti chara chimwe hachitswanyi inda. Vamwe vanozoyambirawo vachiti zanondega akapisa jira mumasese. Zvose zvinoreva kuti muupenyu hapana munhu angazviti akazvikwanira zvokuti haadiwo vamwe vanhu vaanobatana navo. Hazvigoni! Kana wave kuzviti wakakwana semari yebhazi, ndipo panobva pabuda kusakwana kwako.

Regai timbotaura zvimwe zvezvinhu zvatinongotora nyore, asi zvichizopa dambudziko mberi. Ndinoda kubata nyaya yohurwere, kunyanya hurwere hwakaita somukondombera, rurindi (TB) kana gwirikwiti.

Izvi zvinhu zvinonetsa vanhu nguva zhinji, uyewo zvirwere zvinorapwa nezvipatara kana makiriniki ari pasi peHurumende, machechi kana makanzuru.

Bazi rezvoutano, kusanganisira vana chiremba, vanoedza nepavanogona kuti kana pakave nedambudziko rezvirwere izvi, vanhu varapwe kana kuti kutsvagwe nzira dzokudzivirira kupararira kwechirwere, nokuti kuparara kwehosha, kuuraya nyika yese. Kazhinji kacho, nzira dzavanorapa nadzo, uyewo mishonga yavanopa varwere yakafanana. Ndokusaka zvichida kuongorora kwakarongeka.

Ngatitorei chirwere cheTB. Vose vari pachirongwa ichi vanoziva zvipatara zvinorapa rurindi uyewo matura avanotorera mishonga yavo. Zvinozivikanwa kuti hachisi chirwere chaunorapwa nachiremba wako, nokuti mishonga yacho haana.

Kana vakaita dambudziko nemishonga yavanenge vari kupihwa vanodzokera kuchipatara kana kukiriniki.
Munhu haagari kumba kwake, achiti kana mushonga wamuramba zvichapera. Ko kana warega kuenda kuchipatara vanozoziva sei kuti mishonga iri kushanda kana kuti haisi kushandira munhu wose? Kunotaura ndiko kunoita kuti pazivikanwe, uyewo kuti patsvagwe nzira dzokupedza dambudziko nokuti vana chiremba handivo vanogadzira mishonga.

Hazvisi kuvarwere nemishonga chete. Nguva nenguva tinoverenga nokunzwa kuti motokari dzemhando yakati dzakagadzirwa mugore rakati, ngadzidzorwe dzose nokuti dzaita dambudziko. Hazvinei kuti mamirioni mangani, dzinodzorwa, dambudziko rogadziriswa.

Ndiri kunyora ndichidai nokuti pane vanhu vanogara kudzimba vachitadza kudzokera kuzvipatara kuti mishonga iri kuramba kuwirirana navo. Vanenge vachingoti zvichaita!

Vanhu ava havaziviwo zvakare kuti nguva nenguva kana vanoona nezveutano vave kupa mareports avo, vanenge vachitoshandisa zvavari kuwana kuzvipatara nokumakiriniki, zvinove zvinounzwa navarwere vavanorapa. Kana pakanzi mushonga ngausandurwe, zvinotobva kuongororo yavarwere.

Dzimwe nguva panoita zvirwere zvomudumbu zvinobata vanhu vakawanda. Nguva ino yokupisa zvinowanikwa. Kwoitawo zvimwe zvinokonzerwa nokudya zvinhu zvinenge zvisina kubikwa zvakanaka, chikafu chinozoita kunge chakaiswa muchetura (food poisoning).
Muzvikoro, kunyanya maboarding schools, rinowanikwa dambudziko rakadai.

Kutanga kwemwedzi waMbudzi uno vanasikana vanopfuura 300 vepachikoro chePeterhouse Girls High School chiri kuMarondera vakarohwa nechirwere chemudumbu, vamwe vavo vakapinda muchipatara. Vana ava vanonzi vakabatwa nemudumbu vadya kudya kwamasikati.

Kuratidza kuti yakange isisiri nyaya yechikoro kana vabereki, takanzwa Dr Tawanda Borerwe, avo vanove Marondera District Medical Officer, vachibvuma kuti dambudziko iri rakange raitika.

Varapi vemapazi akasiyana-siyana mubazi rezvokurapa vakamhanya-mhanya musi weSvondo tikazonzwa kuti zvakange zvave nani nokuti vana vakange vave kudzokera kuchikoro. Mashoko aya akatsinhirwa naDr Maxwell Rupfutse, vanove Mashonaland East Provincial Epidemiology and Disease Control Officer. Vakataurawo kuti vakange vamirira zvakange zvaenda kunoongororwa, kuti zvizivikanwe kuti chakakonzera hurwere chii.

Asi, mapazi ezvokurapa achiedza kuona kuti chii chabata vana, pakazobudawo mashoko okuti vamwe vabereki vakauya kuchikoro vakatora vana vavo kuti vandovarapisa voga.

Hongu, ikodzero yemubereki kurapisa mwana wake kwaanoda, asika apa yakange isisiri nyaya yokurwara chete, asi kuti vana vose vakabatwa nemudumbu vakange vadya zvabva murongo rimwe chete, saka vose vaisungirwa kurapwa zvakafanana, vana chiremba vachivaongorora vose.
Kana dambudziko raizokura, vamwe vana vadzokera kuchikoro, vabereki vaizopa ani mhosva, nokuti vaive navo kumba, zvakare vachapihwa chikafu chakasiyana nechevamwe?

Hazvirambidzwe kana mari iripo, asi zvinoda kuti pabude shoko rimwe chete rokuti chirwere chakonzerwa neyi. Zvaiita kunge kunonokerwa kana kuonera pasi zvipatara kucharapwa vana, asi marwariro evana vose akange akafanana, ave kuda kuti vana vose vaongororwe pamwe chete.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey