Uncategorized

Zim @ 36: ‘Tinodada nerunyararo’

15 Apr, 2016 - 00:04 0 Views
Zim @ 36: ‘Tinodada nerunyararo’

Kwayedza

ZVIZVARWA zveZimbabwe neMuvhuro unotevera zvichabatana mukupemberera kusv0itsa makore 36 nyika ino yawana kuzvitonga kuzere kubva kuhutongi hwevadzvanyiriri.

Kwayedza svondo rino yakaita hurukuro nevanhu vakasiyana avo vakapa mafungiro avo pamusoro pekukosha kwekuwana rusununguko.

VaShepard Gadzira (53) vekuGlen View, muHarare, avo vanove zvakare murimi mukuru, vanoti vanofara zvikuru nerunyararo rwuri muZimbabwe kubvira nyika yakawana kuzvitonga kuzere muna 1980.

“Ini ndinofara zvikuru nekuti mugore ra1980 ndimo mandakatangawo kuvhota uye ndakatanga kupemberera kuwana kuzvitonga kuzere kwenyika ino ndichiri kuchikoro chaiko.

“Rusununguko rwakaunza shanduko huru muupenyu hwevanhu vatema nekuti tavewo nemapurazi atinozvirimira tichiriritira mhuri dzedu. Tave kuwana kodzero dzedu sedzidzo uye ndinofara nekuti vanhu vari munyika muno vakafunda zvikuru kupinda dzimwe nyika zvinoita kuti varambe vari vanhu vanorwira kuchengetedza runyararo.

“Munhu asina kufunda anongoti chero zvazvaita uye anofarira hondo nekurwisana nekuti haazivi kuipa kwazvo. Hondo inoparadza, inodzosera budiriro nekusimukira kweupfumi hwenyika shure,” vanodaro.

Vanoti hakuna nyika isina matambudziko sekushaya zvinhu zvekushandisa zvinokwanirana nevanhu vayo asi kana munyika muine runyararo matambudziko haazokuri zvakanyanya zvekuti vanhu vanosvika pekupererwa.

Brenda Chaitezvi (27) wemuHarare anotenda vakarwa hondo zvikaita kuti ange achizvarwawo munyika yakasununguka.

“Ini ndakazvarwa hondo yapera asi ndinofara nevakarwa hondo kuti tinge takasununguka seizvi nekuti dzimwe nhoroondo dzandinonzwa dzichitaurwa kuti ndizvo zvakange zviri kuitika munguva yehondo dzinondityisa. Handitodi kunzwa panorira pfuti nekuti chero panoputika matayi emota ndinoita senge ndichafenda.

“Ndinofara kwazvo nemitemo yakadzikwa nekuda kwerusununguko rwenyika ino inova inochengetedza kodzero dzemadzimai nevana kunyanya. Mitemo yakadai seyekurwisa mhirizhonga nekodzero dzekuti madzimai ange achiwana zororo remateneti ndinoona yakanaka,” anodaro.

VaGivemore Matanhire (47) vekuChitungwiza vanotiwo vanoyemura nyiko ino nezviwanikwa zvayo.

“Kune vamwe vasina kuona hondo vanofarisa vachiti nyika ngaidzorerwe kwayakange yakasungirirwa nekuti havazivi marwadzo ehondo, kushungurudza kwainoita nekurasikirwa kunoita vanhu neupenyu zuva nezuva. Runyararo rwakakosha saka tichapemberera zuva reIndependence nemoyo wose tichitarisa kukosha kwehutungamiriri hwemunhu mutema.

“Tisati tawana kuzvitonga kuzere, vanhu vatema havaitenderwa kusvika mumugwagwa waFirst Street uri muHarare uyu. Kwaive nerusarura rwukuru rwaikonzerwa nehudzvanyiriri hwevachena. Vanhu vatema vairumiswa nembwa vachigariswa kunzvimbo dzakasaririra dzakadai sekuMatapi, kuMbare, uko madzimai achinzi anofanira kugara kumamisha,” vanodaro. Mashoko avo akatsinhirwa naVaAlbert Marivadze (39) vekuEpworth vachiti rusununguko rwakakosha nekuti vave kukwanisawo kuita mabhindauko ekutengesa muHarare pasina anovafurusha vachiriritira mhuri yavo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey