Uncategorized

Zvibhakera zvamuzvimbira

15 May, 2015 - 00:05 0 Views

Kwayedza

Memory Lemani
MUKADZI wekuti anogarorohwa neaimbove murume wake achiti “haarambwe zvekumhanya” anoti kudai zvibhakera zvaipfumisa, angadai akapfuma kudarika vakadzi vose munyika.

Tracy Chidamoyo akataura mashoko aya mudare reHarare Civil Court achida gwaro redziviriro kubva kune murume waakambogara naye, Chenjerai, uyo waanoti anomurova pamadiro.

“Dai zvibhakera zvaipa upfumi, ndini ndingadai ndakapfuma kudarika vanhukadzi vose. Kurambana nekuramba tiri tose zvakangofanana kana ndikatarisa kamurovero kaari kundiita.

“Vakuru vedare, dai mandibatsirawo negwaro redziviriro. Murume wandauisa kuno uyu akandionesa chitsvuku pandaigara naye zvikazoita kuti ndimusiye. Ndakanga ndisina mufaro nekuti baba ava vane ruwoko rwegudo chairwo.

“Ndakatozobuda mumba macho nekuti manga musingachagarike. Iko zvino ava kuita basa rekundigaririra munzira kana ndichibva kumagirosa ondirova. Ndinotozopona nekuenda kumapurisa.

“Ndinoshaya kuti chandakanyatsomutadzira chii chinoita kuti andishungurudze kudaro. Ava kutevera nekumba chaiko achiti wakandirambirei, hanzi handirambwe zvekumhanya,” akadaro Chidamoyo.

Akati Chenjerai akatengesa mimwe midziyo yemumba make.

“Mumba mangu chaimo akasiya atengesa mimwe yemidziyo yangu yandaizvitengera. Iko zvino handina kana chinhu chinoratidzawo kuti ndakashanda ndikatenga zvinhu nekuti akazvitengesa,” akadaro.

Chenjerai akapikisana naChidamoyo achiti kumurova kwaakamuita ndiye akanga atotanga kumutema nebhodhoro redoro.

“Handina kumbobvira ndamurova sekutaura kwaari kuita. Ndakasangana naye pamagirosa ndikamubvunza kuti ndouya kuzotora rinhi masofa angu andakasiya kumba kwake patakanga tichiri kugara tose. Akabva atanga kundirova nebhodhoro ndokubva ndamudzosera,” akadaro Chenjerai.

“Zvekuti ndiri kuramba kurambwa manyepo, kuda kungofadza vanhu vari mudare. Ini ndini ndakatomuramba. Kana hama dzangu dzaitogara dzichinditi ndimurambe nekuti munhu mukuru kwandiri uye ipfambi. Pataigara tose ndakaona mameseji erudo kubva kuzvikomba zvake izvo zvakaita kuti titadze kuwirirana.”

Mutongi Trevor Nyatsanza akapa Chidamoyo gwaro rerunyararo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey