‘Zvirango zveupfumi ngazvibviswe’

01 Jun, 2023 - 09:06 0 Views
‘Zvirango zveupfumi ngazvibviswe’ VaMartin Duddley Zharare

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

ZVIRANGO zveupfumi, izvo zvisiri pamutemo, zvakatemerwa Zimbabwe nedzimwe nyika dzekumadokero zviri kukanganisa zvakanyanya budiriro yenyika izvo zviri kuona mitengo yezvinhu ichingokwira nekudaro zvinofanirwa kubviswa.

Mashoko aya akataurwa naVaMartin Duddley Zharare vanova executive director wesangano reCitizens Against Economic Sanctions (CAES) iro rine donzvo rekurwisa zvirango zveupfumi kuti zvibviswe.

“Zvirango zveupfumi hazvina kunaka zvachose nekuti zvinokanganisa kunyangwe mafambisirwo anofanira kuitwa mari pakati penyika nenyika zvichibva zvaomesera vemabhizimusi avo vari kutsvaga mari yekunze kuti vakwanise kuhodha zvimwe zvezvinhu zvatisingagadziri muno.

“Kunyangwe vamwe vatsigiri vanoda kuuya kuzoita mabhizimusi muno, vanotanga kutyira kure kana vakaramba vachingonzwa kuti zvinhu zvaoma munyika nekuti vanenge vava kutyawo kudhurirwa mukuvamba kwavachazoita mabhizimusi avo,” vanodaro.

VaZharare vanoti zvakakosha kuti zvizvarwa zveZimbabwe zvibatane zvoumba chisungo chimwe chete chekurwisa zvirango izvi nekuti zviri kubata munhu wose – mupfumi kana murombo – uye hazvinei nekuti anotsigira bato rezvematongerwo enyika ripi.

Senzira yekubatana neZimbabwe mukurwisa kuti zvirango izvi zvibviswe, nyika dzemuSouthern African Development Community (Sadc) dzakadzika chisungo chekuti musi wa25 Gumiguru gore roga-roga rive zuva rekubatana nenyika ino kurwisa zvirango izvi.

“Pamusangano weUnited Nations General Assembly uyo wakaitwa nguva yadarika, vatungamiriri venyika dzemuAfrica vakadai saVaWilliam Ruto vekuKenya, VaMokgweetsi Masisi veBotswana, VaCyril Ramaphosa vekuSouth Africa, VaHage Geingob veNamibia naVaFelix Tshisekedi vekuDemocratic Republic of Congo, pakati pevamwe, vakati zvirango izvi zvinofanirwa kubviswa,” vanodaro.

VaZharare vanoti chimwe chiri kunyanya kushamisa ndechekuti nyaya dzekukwira kwemitengo yezvinhu dziri kunyanya panguva iyo nyika yakatarisana nekuita sarudzo.

“SeCAES tiri kupinda mumatunhu ese tichiita misangano yekuzivisa veruzhinji maringe nezviri kuitika munyika kuti chii chinonzi zvirango zveupfumi, zvinobvepi uye zvakauya sei nekuti kana vanhu vakashaya ruzivo, vanosara vaine fungidziro zvinova zvisina kunaka,” vanodaro.

Zvakadai, VaLivingstone Chingono vanova mutengi svondo rapera vakashanyira mahofisi eKwayedza vachinyunyuta mushure mekurambirwa kutenga chingwa nemari yemuno mune chimwe chitoro chemuguta reHarare vachinzi vashandise mari yekunze.

“Ndapinda muchitoro (zita tinaro) ndichida kutenga chingwa chavanobika chichinzi chinoita US$1. Pandada kubhadhara ndipo pandarambirwa ndikanetsana nemusikana iyeye kusvika ndazoenda kunoona maneja wake asi atomboramba zvekare achiti vanoda mari yekunze pachingwa ichocho.

“Chinondishamisa ndechekuti chingwa ichi chinobikwa muno nevashandi vachishandisa furawa yemuno. Gore rino, Zimbabwe yakaita nhoroondo huru yekurima gorosi saka sei chingwa chiri kuramba chichidhura uye chichitengeswa nemari yekunze?” vanodaro.

VaChingono vanoti vakazopihwa mukana wekubhadhara chingwa ichi vachishandisa kadhi ravo rekubhanga asi vakayambirwa kuti pavanozodzokazve vanofanira kuuya nemari yekunze.

Izvi zvinopesana zvikuru nemutemo weHurumende unoti vatengi vanokwanisa kutenga zvinhu muzvitoro nemari yemuno kana yekunze.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey