Kwayedza
Muchaneta Chimuka
NYAMA yesoseji yenguruve inonaka kudya yakagochwa uye tinowana mapuroteni akawanda kubva mairi.
Svondo rino Zororo Nemugoti wemuguta reHarare anotitsanangurira mamwe magocherwo enyama iyi.
Zvinodiwa:
Soseji nenyama yenguruve, munyu, mhiripiri
magaka, nzvimbo yekugochera nemarasha kana huni.
Maitiro:
Isa munyu nemasipaisi aunoda panyama yako
Isa pamarasha ugoche uchiona kuti haitsvi
Ramba uchiipindura zvakanaka kusvika yaibva uye yatsvukira
Wozodii?
Kana yaibva, chibura udye nemhuri yako.
Nyama yemhando iyi inodyiwa nesadza jena, rezviyo, remhunga, remapfunde kana kungorumira yakadaro, isarudzo yako.
Cheka-cheka magaka nemadomasi mambishi udye zviri parutivi kuitira kuti uwane Vitamin C.
. Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachinyorwa chino panhare dzinoti: +263 773394753