ZVIRI MUGAPU. . . Kugocha soseji renguruve

26 Jul, 2023 - 13:07 0 Views
ZVIRI MUGAPU. . . Kugocha soseji renguruve Soseji nenyama yenguruve

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

NYAMA yesoseji yenguruve inonaka kudya yakagochwa uye tinowana mapuroteni akawanda kubva mairi.

Svondo rino Zororo Nemugoti wemuguta reHarare anotitsanangurira mamwe magocherwo enyama iyi.

Zvinodiwa:

Soseji nenyama yenguruve, munyu, mhiripiri

magaka, nzvimbo yekugochera nemarasha kana huni.

Maitiro:

Isa munyu nemasipaisi aunoda panyama yako

Isa pamarasha ugoche uchiona kuti haitsvi

Ramba uchiipindura zvakanaka kusvika yaibva uye yatsvukira

Wozodii?

Kana yaibva, chibura udye nemhuri yako.

Nyama yemhando iyi inodyiwa nesadza jena, rezviyo, remhunga, remapfunde kana kungorumira yakadaro, isarudzo yako.

Cheka-cheka magaka nemadomasi mambishi udye zviri parutivi kuitira kuti uwane Vitamin C.

. Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachinyorwa chino panhare dzinoti: +263 773394753

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey