Uncategorized

Kudoripwa mombe 60 . . .

21 Apr, 2017 - 00:04 0 Views
Kudoripwa mombe 60 . . .

Kwayedza

 — zvidhoma zvotora mari  mu‘till’

Kingstone Mapupu —
IMWE mhuri yekwaMambo Chikwizo, kuMudzi, inonzi yaoneswa nhamo nezvidhoma zvatateguru wayo uyo aiva nemabhizimisi uye zvinhu izvi zvasvika pakuvharisa chimwe chitoro chakasiiwa nemufi uyu zvisinei nekuti kusvika pari zvino zvaripwa nemombe dzinosvika 60.

Matanga emombe dzemhuri yekwaKariri, iyo igere mubhuku raMupasu, anonzi apera nekuripa zvidhoma izvi – izvo zvinoti kana zvakazvifunga, zvinotora girosari nemari yose inenge iri mu”till”.

Chitoro chekwaKariri, icho chiri panzvimbo yemabhizimisi yekwaChikwizo, chinonzi chakavakwa kuburikidza nemari yaiunzwa nezvidhoma izvi — iyo yaitorwa kuvanhu vasingazive — chakatovharwa sezvo zvichinzi zvinhu zvose zvaitengeswa imomo nemari yacho zvaitorwa nezvidhoma.

Mumwe wemadzibaba vasara mumhuri iyi, VaPhillip Kariri (64), vanotsinhira nyaya yekuti vapedzera pfuma yavo vachinoripa zvidhoma zvakanotorwa kuMozambique nasekuru vavo apo vaitsvaga kupfuma.

Chitoro chinonzi chakavhariswa nezvidhoma.

“Taona ndondo, dambudziko guru mumusha muno nekuda kwezvidhoma zvakanotorwa nasekuru vedu kun’anga yekuMozambique vachida kupfuma. Sekuru ava — mushakabvu VaLawrence Kariri — vakasiya chitoro icho chavakavaka nemari yavaiwaniswa nezvikwambo nezvidhoma,” vanodaro VaPhillip Kariri.

Vanoti pakashaika sekuru vavo, chitoro ichi chakazosiirwa baba vavo VaSteven Kariri avo vakasarawo vachitevedza mhiko dzaidiwa nezvidhoma izvi kuti basa rekuunza mari iri rirambe richifambira mberi.

“Pamadzibaba aripo pari zvino, ini ndini ndasara nemunin’ina wangu, Ephraim Kariri uyo ari kuBulawayo. Hatizive mhiko dzaidiwa pakuchengetedza zvikwambo nezvidhoma izvi.

“Takasiirwa chitoro ichi ndokuzotanga kuona masaramusi mumusha, vana vave kurwara zvisina tsarukano nekufirwa. Basa remuchitoro ichi rakatanga kudzikirawo apo zvidhoma izvi zvaitora magirosari ose mumasherufu emuchitoro pamwe chete nemari mosara makashama imi mabva kunohodha,” vanodaro. Zvidhoma izvi zvinonzi zvakanga zvave kusvika kune mumwe wevanasikana vemhuri iyi zvichimuita mudzimai uye zvichirwarisa vakawanda vemhuri iyi.

“Pakufambira dambudziko rezvikwambo izvi, ndipo patakaudzwa kuti zvinhu izvi zvinoda kuripwa nemombe. Ini ndakabvisa mombe 30 munin’ina wangu, Ephraim, akabvisawo dzimwe 30 ndokukwana mombe 60 pamwe chete nemari pamusoro apo tainoripa kun’anga kwakatorwa zvinhu izvi nekudzimwe n’anga nemaporofita vaitishandira. Ini ndasara ndisisina mombe zvachose,” vanodaro.

Zvidhoma izvi zvinonzi zvakavharisa chitoro ichi kusara chisisina zvinhu apo magirosari ose aivamo aingonyangarika zvose nemari yaishaikwa mutiru.

Danga raVaPhillip Kariri ravanoti vakapera mombe vachiripa zvidhoma.

“Ini nemunin’ina wangu takazosiya chitoro ichi taona kuti hapana zvaifamba nekubiwa kwaiitwa mari negirosari nezvidhoma izvi. Kutaura kuno takatsvaga vanorenda chitoro ichi,” vanodaro.

Kwayedza haina kukwanisa kutaura naVaEphraim Kariri, avo vanonzi vanoshandira kuBulawayo, pamusoro penyaya iyi. “Dzimwe n’anga nemaporofita vemuno, nekuziva dambudziko redu, vanouya vachiita sevanoporofita kana kukandira vachitibira upfumi hwedu nekutipinza mune mamwe matambudziko,” vanodaro VaPhillip Kariri.

Nyanzvi yezvechivanhu kudunhu reMt Darwin, VaPatrick Kapfunde, vanoti mhuri iyi inoda kubatsirwa kuti zvidhoma izvi zvidzokere kumuridzi wazvo.  “Kutizira kumachechi hapana zvazvinobatsira, zvinhu izvi zvinoramba zvichidzoka. Zvinoratidza kuti vanhu ava vanoita tsika yekutandidzirana mweya uyu, ngavaungane voenda chaiko kwakatorwa zvinhu izvi vachitungamirirwa nen’anga dzinoziva. Vakuru varipo ava vachapera kufa zvikasarira vana vadiki vasina zvavanoziva,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links