Muporofita onangwa huroyi . . . hanzi ndiye akauraya baba vake

12 Apr, 2024 - 14:04 0 Views
Muporofita onangwa huroyi . . . hanzi ndiye akauraya baba vake Madzibaba Acstay

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MUPOROFITA wechechi yeJohane Masowe weChishanu anogara kuGlaudina, muHarare – asi kumusha achibva kwaMutoko – anoti ari kurambwa nehama dzake dzichimupomera kuti muroyi akauraya baba vake.

Madzibaba Acstay Farai Kariza (26) anoti dambudziko rekunzi muroyi nehama rakatanga apo akarwara baba vake vachiri vapenyu.

Anoti airota achitemerwa nyora muviri wose nababa vake apo akazovaudza nyaya iyi pamwe chete nevamwe vemumhuri.

Madzibaba Acstay anoti akasvika pakunanga baba vake huroyi nekuda kwehope idzi uye zvakazobuda kwavaifamba kuti baba ava vaiva vakatora mushonga weraki wekudiwa nemadzimai uyo wakazopanduka.

“Ini ndakazotanga kunamata ndaenda kuMarondera kusvikirawo baba vakazorwara ndikavanangawo huroyi nekuda kwehope dzandaisangana nadzo dzekuti vainditemera nyora. Baba vakazofa apo pakazotanga vehukama kunditi ndini ndakauraya baba vangu,” anodaro Madzibaba Acstay.

Muporofita uyu akaberekwa mumhuri yechipari ine vana 17 avo vose vaanoti hapana anoda kumuona sezvo vachimuti muroyi.

“Baba vangu vakashaika gore rakapera vachigara neimwe hanzvadzi yangu kuGlaudina, muno muHarare. Panhamo yavo ndakadzingwa nehama vachinditi ndini ndakauraya baba, ndikabvunza kuti huroyi hwacho vainge vachihuwana kupi asi pakashaya akanditsanangurira.

“Mutumbi wababa vangu, VaLameck Kariza, wakanovigwa kumusha kuKotwa ini ndisipo sezvo ndakadzingwa sembwa nehama dzaitoda kundiuraya panhamo iyi,” anodaro.

Muporofita uyu anoti amai vake, Mai Prinate Nyagumbo, vanogara kumusha.

“Amai vangu vakaita vana 7, kune vamwe amai vanove vahosi kukaitwa vana gumi uye ini kumba kwedu ndiri wechina pakuzvarwa. Hakuna hama inondibvakachira, ndakamboita madzimai maviri asi vose vakatiza. Izvozvi ndinogara ndoga pamba pevanhu pandinochengeta kuno kuGlaudina, kudya chaiko kunondinetsa kuwana sezvo vandinoshandira hapana anonditenda.”

Madzibaba Acstay anoti ave kurwara nechirwere chisinganzwisisike apo anopera simba nguva dzose semunhu ari kuyamwiwa ropa.

“Guva rababa vangu ndakatozonoriona ndaita zvekuverera kuenda kumusha kusina vamwe vana ndikanoriratidzwa naamai husiku kuti ndisaonekwe nevavakidzani nekuti vaizotaurira vamwe vana. Hama dzangu ndinodzida kunyange vachindinanga huroyi, ndinoti ngavauye vafambe neni vazvionere kuti handisi muroyi,” anodaro Madzibaba Acstay.

“Baba vangu vakashaika gore rakapera munaChivabvu uye ndinonzwa mhosva kuti ndakavananga huroyi, handizive kuti mhosva iyi ndinoiripa kunaani. Vandakaberekwa navo hapana anoda kundiona kumba kwavo nekuda kwenyaya yekunzi ndiri muroyi iyi,” anodaro.

Madzibaba Acstay anoenderera mberi achiti: “Ndinobatsira vanhu vachitopona asi mamwe maporofita andinonamata nawo vanonditi nditange ndaenda kuhama dzangu dzindisunungure, handizive kuti chii. Chokwadi ndechekuti ini handiroye saka ndinoda vanogona kundibatsira. Ndave kunzi nehama dzangu ndava kurasika njere zvisizvo uye zvavanondipomera zvakawanda.”

Anoti vehukama vanorwara kana vanofa anonangwa ndiye achinzi muroyi.

“Ndinotsvagawo vanogona kundibatsira kuti kunyangwe uri munyama ubviswe ndiyanane nehama dzangu. Munhu wandinodyidzana naye ndiamai vangu chete uyewo pamadzimai andakambotorana nawo aya handina kuita vana navo vose vari vaviri,” anodaro Madzibaba Acstay.

Kune vanoda kubatsira murume uyu vanomubata panhamba dzinoti 0785 921 778.

Muporofita uyu paakabvunzwa nhamba dzenhare dzehama dzake kana dzemamwe maporofita aanonamata nawo akati haana kusununguka kudzipa kuvatori venhau nekuda kwezvikonzero zvaasina kuda kujekesa.

Share This:

Sponsored Links