Rufaro Stadium yavharwa zvekare

04 Apr, 2024 - 21:04 0 Views
Rufaro Stadium yavharwa zvekare Rufaro Stadium

Kwayedza

Abel Ndooka

NHANDARE yenhabvu ine mukurumbira munyika yeRufaro Stadium yakavharwa zvekare kuti imboongororwa zvichitevera kuvhurwa kwayainge yakaitwa svondo radarika.

Rufaro Stadium yakavhurwa svondo radarika mushure mekunge yapedza makore mana isingatambirwe mitambo yePremier Soccer League.Svondo radarika pakavhurwa nhandare iyi, yakatambirwa mitambo miviri inoti weCAPS United neBikita Minerals apo Kepe-kepe yakarohwa 1-0 kuchiti wechipiri wakaona Yadah FC ichisangana neDynamos FC mutambo wakapera uri mangange 0-0.

Pakatambwa mitambo miviri iyi, panonzi pakaonekwa kuti nhandare iyi ichiri nezvakawanda zvichiri kuda kugadziriswa zvinosanganisira zvimbuzi izvo zvinonzi zvishoma.

Pakaburitswa mitambo yesvondo rino yematch-day five kubva kuPremier Soccer League, mutambo weYadah FC neSimba Bhora uye weDynamos neBulawayo Chiefs haisati yave kuzivikanwa kuti ichatambirwa kupi.

Muhurukuro neKwayedza paakabvunzwa mamiriro akaita nhandare yeRufaro, mutauriri wePSL – Kudzai Bare – anoti yakange yangovhurwa kwekanguva kadiki saka parizvino yave kuongororwa zvekare.

Kudzai Bare

“Rufaro yainge yakangopihwa mvumo kwekanguva kadiki. Inofanirwa kuongororwa zvekare,” anodaro Bare.

Kumbovharwa kwaitwa Rufaro Stadium zvekare kuchaona muguta reHarare musina nhandare inotambirwa nhabvu uye svondo rino munogona kusatambirwa mitambo yePSL.

Share This:

Sponsored Links