KuBuhera vari kufara

09 Apr, 2024 - 15:04 0 Views
KuBuhera vari kufara Chibhorani

Kwayedza

. Madhamu avakwa, zvibhorani zvichicherwa

. Mvura yekunwa nekurima yava kuwanikwa

Kingstone Mapupu

APO Zimbabwe ichange ichipemberera makore 44 ekuzvitonga kuzere pagungano richaitirwa kwaMurambinda, kuBuhera, nemusi wa18 Kubvumbi, vagari vekudunhu iri vanoti vanodada nezvirongwa zvekuwaniswa mvura yekushandisa mudzimba nekurima nemadaridziro zviri kuitwa neHurumende yakabatana nekanzuru yeko.

Zvirongwa izvi zvinosanganisira kuvakiswa kwemadhamu nekucherwa kwezvibhorani.

VaThomas Matsenhura vanova sachigaro weBuhera District Council vanoti kanzuru yavo yakabatana neHurumende vari kushingaira mukuona kuti vanhu vose vawana mvura yakachena yekunwa neyekushandisa mumabasa ekurima.

“Sekanzuru, tichibatsirana neHurumende kubva mugore ra1980, takacheresa zvibhorani zvakawanda nekuvakawo madhamu zviri kuita kuti mabasa ekurima muno abudirire zvikuru kuchirimwa mapindu ezvirimwa zvinopa ruwomba tichiita madiridziro. Tine dhamu reMutunha riri kuWard 15 rinodhonzwa mvura nesimba remagetsi ichienda mumapindu uye nedhamu reRuti kuWard 19 kunaNerutanga. Tine mamwe anosanganisa dhamu reGwebu, Chimazizi rekuWard 29, Gurupa kuWard 11 neManyanga kuWard 27,” vanodaro VaMatsenhura.

VaThomas Matsenhura

Mamwe emadhamu ari mudunhu reBuhera akadai seMarovanyati, Mandire, Tarwira neNyahode ayo ose ari muWard 19.

“Tine madiridziro eDevure Irrigation Scheme nedzimwe nzizi zvakare uko varimi vanodhonza mvura nesimba remagetsi rinobva kuzuva zvakaita sekurwizi rwaPedzisai kuWard 21, Mukambirwa kuWard 21 zvakare, Nyadi kuWard 24, Mabhoko kuWard 24 neRuti kuWard 19. Pamusoro pezvo, tine Bonde Irrigation Scheme kuWard 30.

“Zvirongwa zvose izvi zviri kuita kuti mhuri zhinji dziwane kudya kunokwanirana uye vana vachikwanisa kuenda kuzvikoro zvakanaka. Dunhu reBuhera harinaye mvura zvakanaka saka zvirongwa zvemadhamu izvi zviri kubatsira zvikuru,” vanodaro VaMatsenhura.

Devure Irrigation scheme

Vanoti kanzuru yavo yakabatana neHurumende, yakakwanisa kucheresa zvibhorani 891 nematsime akadzika anokwana 380 muBuhera yose izvo zviri kusimudzira mabasa ekurima.

“Kubva muzvirongwa zvemvura izvi, kune mapindu emadzimai nevechdiki anokwana 102 anoitwa nemadiridziro eDrip Irrigation. Izvozvi mukaona nzvimbo yedu yemabhizimisi yeMurambinda munowanikwa zvirimwa zvose zvichitengeswa kubva mumapindu akakomberedza. Tine nzvimbo yemabhizimisi yeBirchenough uko varimi vanotengesawo zvirimwa zvavo kubva kuminda yavo yemadiridziro,” vanodaro.

VaMatsenhura vanoti nekuda kwezvirongwa zvekuwanisa vanhu mvura yakachena, zvava nyore kurwisa zvirwere zvemanyoka zvinokonzerwa nekushandisa mvura isina kuchengetedzeka.

“Utsanana zvakare hwava muno muBuhera kana icho chirwere checholera tinochikunda.”

VaMatsenhura vanoenderera mberi vachiti: “Tinoda kuti muno muBuhera mvura igova mapfacha-pfacha pose pauri uiwane. Zvose izvi zvibereko zvekusununguka kuzere kwakauya mugore ra1980 uko tichange tichipemberera kuno kwaMurambinda.”

Vanoti senzira yekusimbisa budiriro yemudunhu ravo, kambani yeZESA iri kuisawo magetsi kunzvimbo dzakasiyana ayo ari kushandiswa mumabasa anosanganisira emadiridziro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>