Vaviri vane mhosva 30 dzekuba

10 Apr, 2024 - 09:04 0 Views
Vaviri vane mhosva 30 dzekuba Assistant Commissioner Paul Nyathi

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MAKORORO maviri ange anetsa nekupaza dzimba vachiba midziyo kuMt Darwin kubva munaNdira 2023 kusvika kutanga kwegore rino akasungwa nematikitivha eCriminal Investigations Department (CID) vachipomerwa kupara mhosva dzinodarika 30 dzehumbavha.

Shepherd Kamhandu (19) naDouglas Kaingidza (39) vakasungwa mushure mekunge vaonesa vagari vemudunhu iri pfumvu nekupaza dzimba vachivabira midziyo.

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanoti nemusi wa27 Ndira gore rino, vaviri ava vakakomberedzwa neveruzhinji kuRushinga, uko vaitengesa makatoni (bricks) efodya masere.

Vakazoendeswa kumatikitivha ndokutanga kuferefeta nyaya iyi.

“Mapurisa mukuferefeta kwavo, vakakwanisa kuwana umboo hwekuti makororo aya akanopaza ndokuba kunzvimbo yemabhizimisi yeKandeya, kuMt Darwin. Vakapaza chitoro vakapinda ndokuba ma’brick’ zana efodya yePacific Storm neBreeze, vakabawo ma’brick’ 45 eEverest, ‘brick’ rimwe chete reMadison, nekireti yedoro reCarling Black, 1×750 mls hunters, ne1x750 mls Mayfair zvose zvaikosha US$1 286,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Kusungwa kwevaviri ava kwakaitawo kuti kuwanikwe fodya yema’bricks’ 70, mbatya, magumbeze, 32 inch television, magas tanks mashanu, maringi nenhare nezvadzinoshandisa izvo zvose zvinokosha US$1 787.

“Mukuferefetwa kwenyaya iyi, zvakaonekwa kuti varume ava vane nyaya dzekupaza nekuba dzinokwana makumi maviri neina, dzekuba vakapakata nomwe uyewo dzekuba nehukopokopo ina.

“Pane mhosva yekupaza nekuba yavakanoita kuMadziwa, kuMt Darwin nemusi wa6 Nyamavhuvhu mugore ra2023 uko vakaba chikwama chaiva neUS$300, mbatya negirosari zvose zvinokosha US$1 000,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Mune imwewo nyaya, vaviri ava munaGunyana 2023, vanonzi vakarwisa mwana wemakore gumi nemana okuberekwa aifamba nekamugwagwa achibva kwaKandeya achienda kumusha weRidge View Location vachibva vamubira nhare nebhegi rake.

“Mapurisa eZimbabwe Republic Police vari kukumbira kuruzhinji kuwaniswa mashoko anoita kuti vakwanise kusunga Nelson Batsirai Makwengura (30) uyo ari kudiwa nemhosva dzakaparwa kubva munaChivabvu 2023 kusvika Gumiguru 2023. Murume uyu anonzi akaba matani 330 ePolyproplene HKR10-2 anokosha US$442 000 achibatsirana nevamwe vake vanosanganisira Lesley Nyasha Makaka (30) naMercy Muza (44) uyo akatosungwa kare,” vanodaro Asst Commm Nyathi.

Mapurisa anokurudzira veruzhinji kuti vamhan’are nyaya dzose dzavanoona dzekutyorwa kwemitemo panhamba dzinoti (0242) 703631, WhatsApp 0712 800 197 kana kuzivisa mapurisa ari pedyo navo.

Share This:

Sponsored Links