Mapatya ekuzvarirwa mu’street’ abatsirwa

12 Apr, 2024 - 22:04 0 Views
Mapatya ekuzvarirwa mu’street’ abatsirwa

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

SANGANO reTwins Association of Zimbabwe (TAZ) rabatsira mudzimai anogara mumigwagwa muguta reHarare uyo akabara vana mapatya avo ange achitambura kuchengeta uye achigara navo pamhene mushure mekumitiswa nemurume anogarawo mumigwagwa.

TAZ yabatsira nezvinhu zvinosanganisira chikafu nezvekupfeka.

Tendai naFarai Katonha, avo vanove mapatya uye vachitungamirira sangano reTAZ, vakaona mudzimai uyu achipemha pedyo nemahofisi avo ari munaPark Street, muguta reHarare.

“Mudzimai uyu takamuona aine vana mapatya uye achiratidza kuti iye utano hwake hahuna kumira zvakanaka nekuda kwekuyamwiwa zvichikonzerwa nekushaya chikafu chakakwana. Anenge ari munaPark Street pedyo nemahofisi edu nguva zhinji achipemha saka neChitatu chino taida kumutambidza zvinhu zvake asi takamushaya ndokubva tazomuwana neChina mangwanani,” anodaro Farai Katonha.

Anoenderera mberi achiti: “Tamupa mafuta, magumbeze evana, sipo nekumwe kudya kwakasiyana. Asi hatisi kugumira ipapo, tine hurongwa hwekumuvakira imba yekuti agare panzvimbo yakati tsvetere nekuti ibasa redu kubatsirana nemamwe mapatya. Hazvikodzeri kuti agare mumigwagwa nevana nekuti kunze kunotonhora, hapana pekubikira uye anogona kutozombunyikidzwa zvekare.”

Mashoko ake anotsinhirwa naTendai Katonha achiti vanhukadzi vanoraramira mumigwagwa vakatarisana nedambudziko guru rekumbunyikidzwa kune chekuita nebonde.

Hakasi kekutanga sangano reTAZ richibatsira mapatya sezvo munguva pfupi yadarika vakabatsira mudzimai wekuEpworth uyo akabara manyatatu ndokuvapa chikafu, magumbeze uye kumutsigira mubhindauko rekuchengeta huku.

Vana ava vatokura uye vave kutodzidzira kufamba nekudya vega asi panguva iyo amai vavo vaitsvaga rubatsiro vakanga vatobatwa nekwashi nekuda kwekushaya mukaka wakakwana.

Kwayedza, iyo iri pasi pekambani huru mune zvenhau munyika muno yeZimpapers, yakabatsirawo mudzimai wekuEpworth uyu.

Share This:

Sponsored Links