Ari nani ndeupi . . . Kaka naJompano

11 Apr, 2024 - 11:04 0 Views
Ari nani ndeupi . . . Kaka naJompano Genesis ‘Kaka’ Mangombe

Kwayedza

Abel Ndooka

MURAIRIDZI weDynamos FC – Genesis ‘Kaka’ Mangombe – anonzi akapihwa mwedzi waKubvumbi kuti achengetedze basa rake zvichitevera kusatamba zvinogutsa kuri kuita chikwata ichi kubva kutanga kwemwaka wa2024.

Kusvika parizvino, Dynamos yatamba mitambo mitanhatu inoti mishanu yeCastler Premiership nemumwechete weCastle Challenge Cup.

Pamitambo iyi, chikwata ichi changokwanisa kuhwina kamwechete, ndokuita mangange katatu nekukundwa kaviri.

DeMbare yakakundwa neHighlanders 2-1 pazuva rekutanga rePSL uye nepamutambo weChallenge Cup 2-0 neNgezi Platinum Stars.

Matambiro ari kuita Dynamos aya ari kuona vatsigiri venhabvu vachienzanisa Kaka naHerbert ‘Jompano’ Maruwa uyo waakatsiva kuzorairidza chikwata ichi.

Svondo rino, Kwayedza yakaita ongororo yekuona kuti mitambo mishanu yekutanga yakarairidzwa naJompano gore rapera neyaKaka mwaka uno yakambomira sei.

Herbert Maruwa

Gore radarika, apo Jompano aive panyanga, mitambo mishanu yekutanga yePSL yaakarairidza Dynamos, yakaona chikwata ichi chichihwina miviri apo yakakunda Hwange 1-0 neSheasham 4-0, ndokuzoita mangange 0-0 neSimba Bhora, 0-0 neCranborne Bullets uye 0-0 neHighlanders zvekare.

Izvi zvakaona chikwata ichi chichitora zvibodzwa zvipfumbamwe kubva pamitambo mishanu.

Mwaka uno panguva imwechete iyi, DeMbare yatamba mitambo mishanu apo yakakundwa wekutanga 2-1 neHighlanders ndokuita mangange 2-2 neHwange, 0-0 neYadah Stars uye ndokukunda Bikita Minerals nekuita mangange mutambo wechishanu 0-0 neBulawayo Chiefs.

DeMbare parizvino ine zvibodzwa zvitanhatu apo yakasiiwa nezvinomwe neHighlanders iyo iri kutungamira palogo rePSL.

Maruwa akazodzingwa basa mushure mekunge arairidza mitambo 18 yechikwata ichi uye panguva iyi ainge apihwa mitambo mishanu yekuchengetedza basa rake iyo aifanirwa kuhwina yese.

Asi mumutambo wekutanga, DeMbare yakabva yaita mangange 0-0 neHwange izvo zvakaona Maruwa achidzingwa basa.

Zvichitevera kuita mangange kweDeMbare mumutambo wayo wechishanu, 0-0 neBulawayo Chiefs, pane mashoko ari kutenderera ekuti Mangombe anofanirwa kuhwina mitambo yese ichitambwa nechikwata chake munaKubvumbi kuti akwanise kuchengetedza basa rake.

Kwayedza yakazama kuridzira nhare Mangombe ichida kunzwa kuti ari kuumba chikwata chake zvakadini apo akatarisana nekurwira kuchengetedza basa rake asi muchinda uyu akange asiri kudaira nharembozha yake.

Pakutanga paakambodaira, akati ari pakati pekushanda nechikwata chake uye ndokutaurira munyori uno kuti azomuridzira nhare panguva yaanenge asununguka, asi paakazofonerwa zvekare akange ave kusadaira.

Zvakadaro, svondo rino, DeMbare iri kunanga kuWadzanai Stadium kuShamva uko ichanosangana neSimba Bhora mumutambo wePSL matchday-six.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>