Tiri kudzokera muPSL: Yabo

04 Apr, 2024 - 21:04 0 Views
Tiri kudzokera muPSL: Yabo Nesbert Saruchera

Kwayedza

Abel Ndooka

MURAIRIDZI weBlack Rhinos — Nesbert ‘Yabo’ Saruchera — ari kutsidza kuti chikwata chake chicharwa semvumba muNorthern Region Soccer League kuti vagodzokera muPremier Soccer League gore rinotevera.

Black Rhinos yakaburitswa muPSL mwaka wadarika apo yakarairidzwa nevarairidzi vaisanganisira Stanford ‘Stix’ Mutizwa naSaul Chaminuka avo vese vakadzingwa basa sezvo vakatadza kuchengetedza chikwata ichi kuti chirambe chiri muligi iri.

Yabo mwaka wadarika airairidza Cranborne Bullets uko akazodzingwawo sezvo akatadza kuchengetedza chikwata ichi kuti chirambe chiri muPSL.

Muhurukuro svondo rino apo chikwata chake chitsva cheChauya Chipembere, sezita remadunhurirwa reRhinos, chiri kutarisira kutamba mutambo wacho wemwaka mutsva weNRSL neMWOS FC, Yabo anoti akabvuma kudzoka kuzorairidza chikwata ichi nekuti anoziva kuti achachidzorera muPSL.

“Basa rangu guru randinaro mwaka uno kudzorera Black Rhinos muPSL ndiko saka ndakadzoka kuzarairidza chikwata chino uye ndizvo zvandakapirwa basa rino nemashefu.

“Chikwata chedu chihombe nekudaro chinofanirwa kugara chiri muPSL saka tichashanda nesimba mwaka uno kuti tidzokere muPSL.

“Ndakatsigirwa zvikuru nemashefu pakuvaka chikwata chedu chemwaka uno nekuti chizere nevatambi veRhinos nevamwe vatakatora kuCranborne Bullets,” anodaro Yabo.

Murwendo rwavo rwekutanga kurwira kudzoka muPSL, Rhinos iri kunanga kuNgoni Stadium neMugovera svondo rino uko ichasangana neMWOS FC iyo inorairidzwa naLloyd ‘Samaita’ Mutasa.

Yabo anoti mutambo wechikwata chake neMWOS mukuru sezvo uchatambirwa pamusha peMWOS kuNorton.

“Mutambo wekutanga tiri kutamba neMWOS pamusha payo kuNgoni Stadium kuNorton uyo tinoziva kuti uchange wakaoma zvikuru.

“Ticharwa semvumba kuti tihwine nekuti tinoziva kuti MWOS inotambawo uye yakasimba, asi isu chinangwa chedu kuhwina mutambo uyu tiwane zvibodzwa zvese zvakakwana,” anodaro Yabo.

Lloyd ‘Samaita’ Mutasa

Zvakadai, Samaita akange asiri kudaira nharembozha yake apo Kwayedza yaiedza kumufonera ichida kunzwa kuti gadziriro dzechikwata chake dziri kufamba zvakanaka here apo vakatarisana nemutambo wekutanga wemwaka mutsva weNRSL.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>