ZVAKAOMA: CHIRAGWI

04 Apr, 2024 - 21:04 0 Views
ZVAKAOMA: CHIRAGWI Takesure Chiragwi

Kwayedza

Abel Ndooka

MURAIRIDZI weNgezi Platinum Stars shasha dzeCastle Premiership — Tasure Chiragwi — anoti kunyangwe hazvo vakahwina mukombe wePremier Soccer League mwaka wadarika, gore rino zvinogona kuvaremera kuuchengetedza.

Mwaka wegore radarika, Chiragwi akapinda munhorondo yeMadamburo, sezita remadunhurirwa reNgezi Platinum Stars, sezvo akaita murairidzi wekutanga kutungamira chikwata ichi kuhwina mukombe wePSL izvo zvakatadzwa kuitwa nevarairidzi vanosanganisira Tonderai ‘Stanza’ Ndiraya, Benjani Mwaruwari, Elroy Akbay, Rodwell Dhlakama nevamwe avo vakamborairidza chikwata ichi kumashure.

Asi kutanga kwemwaka mutsva wa2024, Madamburo haina kutanga zvinogutsa sezvo kubva pamitambo mina yayatamba, yakwanisa kuhwina mumwechete, ndokuita mangange miviri nekukundwa mumwechete.

Muhurukuro, Chiragwi anoti kana chikwata chikahwina mukombe wePSL hazvirevi kuti mwaka unotevera chinofanirwa kuhwina zvekare mukombe uyu nekuti hushe madzoro.

“Kana ukahwina mukombe wePSL hazvirevi kuti mwaka unotevera ndiwe unofanirwa kuuhwina futi kana kuuchengetedza nekuti nhabvu inenge yatosiyana.

“Zvimwe zvikwata zvinenge zvichitosimbawo zvichida kurwisa kuhwinawo mukombe uyu nekuti chokwadi munhu wese anokwikwidza muPSL anotoda kuhwina.

“Saka zvinotoda kuti titoshinga mwaka uno uye totokwinya chaizvo nekuti mutambo uripo mukuru.

“Isu takakwanisa kuuhwina gore radarika nekuti taitenge takasunga zvakasimba mumitambo yedu saka tinotofanirwa kutevedzerawo kuita zvimwechetezvo kushinga tichihwina mitambo yedu tichitoenda,” anodaro Chiragwi.

Mwaka uno, nhabvu yeCAF Champions League iri kudzoka muZimbabwe izvo zvichaona Ngezi Platinum ichimirira nyika mumutambo uyu mumakwishu achatanga munaNyamavhuvhu.

Chiragwi anoti apo vachange vachitamba mitambo yePSL, achaongorora chikwata chake achichiumba vachimirira kutanga kweCAF Champions League.

“Chinhu chikuru kukwikwidza mumitambo yeChampions League uye isu tiri kutarisira zvikuru kutamba mumitambo iyi naizvozvo tiri kugadzirira.

“Tichazopinda muChampions League munaNyamavhuvhu, saka iye zvino ndiyo nguva yedu yekuumba chikwata chedu nekuti uko tichange tave kunosangana neshasha dzakasiyana dzemuAfrica. Vatambi vedu vatinavo tinovimba kuti tichanobata basa guru.

“Tinototemba vatambi vedu vatinonavo nekuti ndivo vakaita kuti tisvike patave nhasi,” anodaro Chiragwi.

Zvakadai, Ngezi Platinum Stars svondo rino iri kunanga kuChisumbanje kunosangana neGreen Fuel mumutambo wePSL Match-day Five.

Parizvino Ngezi Platinum yakwanisa kuwana zvibodzwa zvishanu uye yakagara pechi11 palogo apo yakasiiwa nezvibodzwa zvishanu neHighlanders neFC Platinum izvo zviri pamusoro palogo.

Mune mimwe mitambo iriko svondo rino, FC Platinum ichange iri pamusha apo ichasangana neCAPS United musi weMugovera, kuchiti Dynamos ichange iri pamusha zvekare ichitatsurana neBulawayo Chiefs musi weSvondo.

Highlanders ichange iri paBabourfields apo ichasangana neChegutu Pirates musi weSvondo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>