Rufaro neHeart Stadium zvavhurwa

04 Apr, 2024 - 21:04 0 Views
Rufaro neHeart Stadium zvavhurwa Rufaro Stadium

Kwayedza

Abel Ndooka
NHANDARE yeRufaro Stadium iyo yange yambovharwa ichimbonzi iongororwe svondo rino yavhurwa zvekare.
Rufaro ichashandiswa svondo rino apo pachasangana Dynamos FC neBulawayo Chiefs nemusi weSvondo.

The Heart Stadium

Pamitambo iriko svondo rino yatumirwa nePSL manheru ano anoratidza kuti Rufaro Stadium yazovhurwa uye ichatambirwa nhabvu musi weSvondo kuchiti nhandare yeHeart Stadium yeYadah Stars ichashandiswa kekutanga musi weMugovera apo pachasangana Yadah neSimba Bhora.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey