Uncategorized

‘Kutemwa kwemiti kwakoka nzara’

27 Mar, 2015 - 00:03 0 Views
‘Kutemwa kwemiti kwakoka nzara’

Kwayedza

IZVI ndizvo zvimwe zvaiitika pakudyarwa kwemiti paDiggleford Primary School, kuMarondera svondo rapera. - Mifananidzo: Malvern Mugadzikwa

IZVI ndizvo zvimwe zvaiitika pakudyarwa kwemiti paDiggleford Primary School, kuMarondera svondo rapera. – Mifananidzo: Malvern Mugadzikwa

Malven Mugadzikwa
VERUZHINJI vari kuyambirwa kuti vasangoteme miti asi kuti vachengetedze masango sezvo kuparadzwa kuri kuitwa miti zvisina tsarukano kuri kubatsira mukukonzera kusanduka kwemamiriro ekunze izvowo zviri kukanganisa manairo emvura akanaka. Kurudziro iyi yakaitwa naVaAugustine Mukaro veFriends of Environment (FOTE), iyo iri pasi peNyaradzo Group, apo vaitaura paDiggleford Primary School, kuMarondera pakusimwa kwemiti 1 000 svondo rapera.

TREE2

FOTE, ichishanda yakabatana nebepanhau reKwayedza, vane chirongwa chekukurudzira kusimwa kwemiti muzvikoro, makiriniki nemachechi nyika yose. Zvikoro zvinenge zvichida miti zvinongonyorera kuKwayedza kuti zvinoda miti yakawanda zvakadini uye mhando dzacho.

“Isu tiri kuti katemo kengozi kwete, kanongotema-tema miti pose-pose pasina zvikonzero. Vanhu vanofanira kukoshesa miti iri munharaunda dzavagere nekuti ndiyo upenyu. Kutemwa-temwa kuri kuitwa miti kuri kukonzeresa kuti mamiriro ekunze asanduke izvo zviri kukangisawo manairo emvura akanaka.

TREE1

“Izvozvi mvura haichanaya manairo ayaimboita kare. Isu tiri kuti pamberi nekusima miti nekuti ndiyo inoita kuti nharaunda dzedu dzidzokere pakare. Izvi tinoda kuti zvitangire kunemi vana vechikoro,” vakadaro VaMukaro.

Kusanaya zvakanaka kwemvura kuri kukanganisawo mabasa ekurima izvo zviri kuita kuti goho rezvirimwa zvakaita sechibage ridzikire.
Vanoti pane hurongwa hwekuti kunge kwasimwa miti inodarika 500 miriyoni munyika panozosvika gore ra2016.

“Izvi zvinogoneka chete kana tichidzidzisa vana vechikoro kuti vakure vaine tsika yekuda kuchengetedza miti,” vakadaro VaMukaro.
Vachitaurawo pachiitiko ichi, Mayor wedhorobha reMarondera, VaAthony Makwindi, vakatenda veFOTE pamwe chete neKwayedza, nechirongwa chekusimudzirwa kusimwa kwemiti muzvikoro.

“Ndinotenda nechirongwa chinodzoreredza nharaunda pakare sezvo vazhinji vachingotema miti vasina pfungwa dzekuzoidzorera pakare. Dai chirongwa ichi charamba chichifambira mberi muzvikoro zvose munyika kuti vana vezvikoro vazive kukosha kwakaita kusima miti.

“Itsika inofanirwa kukura iri mumwana wose wechikoro sezvo nharaunda dzedu zhinji dziri kupedzwa kuparadzwa nemoto pamwe chete nevanhu vari kutema miti vachiishandisa zvakasiyana asi vasingazosimi mimwe zvakare,” vakadaro VaMukwindi.

Share This:

Sponsored Links