Vana 2 vany’ura vachituhwinha

16 Apr, 2024 - 17:04 0 Views
Vana 2 vany’ura vachituhwinha Asst Insp Wiseman Chinyoka

Kwayedza

Liberty Dube naHazel Chitepo

VANA vaviri vemumhuri imwe chete vemumusha waNyamira, kwaMutare, vakanyura vachituhwina mudhamu mushure mekunge vaenda kunowatya mayunifomu avo echikoro.

Vakafanobata chigaro chemutauriri wemapurisa kudunhu reManicaland — Assistant Inspector Wiseman Chinyoka — vanotsinhira nyaya iyi vachiti vana ava, Melania (10) naNokutenda (12) vakabva pamba vachienda kunowacha mayunifomu kudhamu riri pedyo apo pakaitika njodzi iyi.

Asst Insp Chinyoka vanoti hapana chakaipa chiri kufungidzirwa kuti chingave chakaitika kuvana ava.

“Nokutenda, Melania nemumwe mwana wechidiki vakaenda kudhamu riri pedyo kunowacha mayunifomu avo echikoro. Pavakapedza, vakafunga zvekuti vambotuhwinha asi mwana wechitatu akaramba kushambira.

“Melania akany’ura uye mushure mekuona kuti mumwe wake ave kuny’ura, Nokutenda akaedza kumununura asi akabva any’urawo. Mwana wechitatu akanga aramba kushambira akamhanya kumba kunotaurira vakuru zvakanga zvaitika.

“Mapurisa akaziviswa achibva aenda panzvimbo iyi. Vakanyurura mitumbi yevana ava,” vanodaro Asst Insp Chinyoka.

Zvichakadaro, mune chimwe chiitiko chisingaenderane nenyaya iyi, Niceson Mutambara (11) wemumusha weNyahumba, kuNyanga, akany’urawo apo aizama kubata hove neduwo murwizi Muunga.

Niceson aive nevamwe vaaibata navo hove apo akany’ura achiedza kubvisa duwo raive rabatirira murwizi.

“Mutambara akabva pamba ndokuenda kunofudza mombe neshamwari dzake dzine makore masere ne14. Mutambara akazoisa duwo rekuteya hove murwizi. Sezvineiwo, duwo iri rakabva rabatirira murwizi, iye ndokubvisa mbatya dzake dzose ndokuisa dombo pamusoro padzo pedyo nemahombekombe erwizi asati apinda murwizi kunonyurura duwo iri.

“Mutambara akatadza kutsika zvakanaka netsoka dzake ndokunyura. Sekuru vake, VaPeter Kembo (32), vakazoziva nezvenyaya iyi ndokubva vamhanyira kurwizi. Mutambara ainge atofa kare ndokubva Kembo akwanisa kunyurura mutumbi wake mumvura.

“Nyaya iyi yakabva yamhan’arwa kukamba yeRuwangwe Police Station mapurisa ndokuenda panzvimbo iyi,” vanodaro.

Asst Insp Chinyoka vanokurudzira vabereki nevachengeti kuona kuti vana vavo vane ruzivo pamusoro penjodzi dzinogona kuitika mukuredza hove nekutuhwina.

Vanoti vanofanira kurambidza vana kusvika padyo nemigodhi yemvura, madhamu kana nzizi.

Share This:

Sponsored Links