Mapurisa otsvaga hama dzemufi

15 Apr, 2024 - 17:04 0 Views
Mapurisa otsvaga hama dzemufi Inspector Kudakwashe Dhewa

Kwayedza

  • Haingadaro iri hama yako yakafa here?

Kingstone Mapupu

MAPURISA ari kutsvaga hama dzemurume akatsikwa nemotokari ndokufa mumugwagwa weHarare-Masvingo pachinhambwe che231 kilometre-peg uyo akange asina magwaro anoratidza kuti ndiyani.

Inspector Kudakwashe Dhewa, avo vanova mutauriri wemapurisa kudunhu reMasvingo, vanoti mapurisa ekwaGutu ari kutsvaga hama dzemurume akafa atsikwa nemotokari nemusi wa3 Ndira manheru mumugwagwa uyu.

“Tine murume akatsikwa nemotokari padyo neChartsworth mumugwagwa weHarare-Masvingo uyo aisava nemagwaro ekuzvarwa kana chimwe chinoita kuti azivikanwe. Murume uyu angangodaro akareba mamita 1,7 nehuremu huri pakati nepakati, aine ndebvu shoma ari mutema uyewo anogona kuve nemakore ari pakati pe25 kusvika 35 ekuberekwa,” vanodaro Insp Dhewa.

Vanoti mutumbi wemurume uyu uri mumochari yechipatara cheGutu Mission Hospital.

“Tinokurudzira vangangodaro vari kushaya hama yavo ine chimiro chatapa ichi kuti vaende kuGutu Mission Hospital kana kubata Inspector Felistus Gwara panhare dzinoti 0773 435 768 kana kutaura nemupurisa ari kuferefeta nyaya iyi Investigating Officer (IO) Assistant Inspector Zivai Chidodo pa0773 913 249,” vanodaro Insp Dhewa.

Vanokurudzira veruzhinji kuti vatakure magwaro ekuzvarwa pose pavanofamba kuitira kana vakazosangana netsaona dzakadai.

Share This:

Sponsored Links