Ndini mambo weRhumba: Bitumba

0

Abel Ndooka —
MUIMBI weRhumba, Wel- lington Maruta – uyo vazhinji vanoziva saDr Bitumba – anoti rutsigiro rwaari kuwana kunorakidza kuti ndiye ave “mambo” wemusambo uyu.

Dr Bitumba, uyo anoshanda nechikwata cheMusique D’ Afrique, akaparura dambarefu rake rechitatu gore rino rinonzi Handei Kumusha.

Parizvino Dr Bitumba ari pakati pekushanda nemuimbi wekuDemocratic Republic of Congo, Kanda Bongo Man uyo waari kutsikisa naye mhanzi.

“Ndakakura ndichiterera mhanzi yaKanda Bongo Man uyo anove gamba mumhanzi yeRhumba saka kuwaniswa mukana wekushanda naye kunorakidza kuti ndave pachidanho chepamusoro mumhanzi yemuno. Ndatove mambo weRhumba muno,” anodaro Dr Bitumba.

Musambo weRhumba wange wave kudzikira zvakanyanya makore adarika sezvo zvikwata zvaizivikanwa zvichiuridza zvave zvishoma uye zvimwe zvacho zvakatoparara.

Zvikwata zvakaita seDiamond Musica, Real Sounds of Africa, Lubumbashi Stars neBV Labien Musica zvaikwenya Rhumba asi zvimwe zvacho hazvisisiko.

Muimbi Energy Mutodi akatanga achiridza Rhumba ndokuzosiya ave kutanga kuridza Sungura.

Dr Bitumba anoti haasi kuzosiya Rhumba ichiparara uye ari kushanda zvakasimba kuti musambo uyu urambe wakasimba.

“Ini kunyangwe zviite sei Rhumba ndiyo yangu uye ndicharamba ndichiikwenya kunyangwe zviite sei.

“Kana vanoridza Sungura kana nziyo dzechitendero chaidzo kumashoo avo vanotombokwenya tuRhumba nekuti vanoziva kuti ndiwo musambo une yese,” anodaro Dr Bitumba.

Share.

About Author