Uncategorized

180000 voinga Judgement Night 3

28 Aug, 2015 - 00:08 0 Views

Kwayedza

VANHU vanodarika 12 000 vanotarisirwa kubva kunyika dzakasiyana kuzopinda munamato wechechi yeUnited Family International Church unodaidzwa kuti “Judgement Night 3” uyo uchaitwa husiku hwemusi weChishanu svondo rino kuNational Sports Stadium.

Mutauriri wekereke iyi, Pastor Prime Kufakunesu, vanoti vayenzi vekune dzimwe nyika vairidza nhare kwesvondo rose vachibvunza maringe nenzvimbo dzekurara izvo zvichaita kuti Zimbabwe iwane mari zvichizobatsira mukusimudzira upfumi hwenyika.

“Vayenzi vakawanda vari kufona vachibvunza maringe nenzvimbo dzekurara kumahotera akasiyana, vamwewo ndivo vari kuzvitsvagirawo voga. Tiri kutarisira huwandu hwevanhu vanodarika 12 000 vachabva kunyika dzakasiyana,” vanodaro.

Pastor Kufakunesu vanoti vari kutarisirawo kuti vanhu vachauya kumunamato uyu vachadarika 180 000 avo vakauya gore rapera.

“Husiku uhwu vanhu vachaona ruwoko rwaMwari uye vavengi vacharwiswa munyika yemweya zvimwe chetezvo nematambudziko nehurombo,” vanodaro.

Vakakurudzira veruzhinji kuti vaende kumunamato uyu nehuwandu hwavo.

“Tiri kutarisira kunzwa nekuona zvinhu zvatisati takambonzwa mukati menhoroondo yeupenyu. Muporofita waMwari Prophet Emmanual Makandiwa vachange varipo kuti vakubatsirei panhuna dzenyu.”

Vanoti vamwe vevayenzi vachabva kunyika dzakaita seGhana, New Zealand, America, Togo, Mozambique, South Africa, kuCentral nekuEast Africa uye Swaziland.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>