Uncategorized

2 600 vakapedza zvidzidzo paHarare Poly

23 Aug, 2018 - 09:08 0 Views
2 600 vakapedza zvidzidzo paHarare Poly Prof Murwira vachipa vadzidzi zvitupa zvekupedza zvidzidzo paHarare Polytechnic svondo rapera.

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
VADZIDZI 2 615 vepaHarare Polytechnic nemusi weChishanu wadarika vakagashidzwa zvitupa zvavo zvekupedza zvidzidzo.

Vachitaura pagungano iri, gurukota redzidzo yepamusoro, sainzi nekuvandudzwa kweruzivo rwemichina, Professor Amon Murwira, vanoti dzidzo ndiyo inoumba ramangwana reZimbabwe.

“Zimbabwe inyika yakanaka chose, isina kutukana, kurwisana, nzara uye inorwira kuderedza zvirwere. Nokudaro tinoda kuramba tichiumbiridza nyika yedu kuburikidza nedzidzo nekuti ndiyo hwaro hwezvose.

“Tinoda kuumba mabasa anobatika zvichibva mudzidzo tichivandudza zvivakwa zvedu,” vanodaro.

Vanoti zvinangwa zvedzidzo yepamusoro ndezvekusimudzira maindasitiri, tsvakurudzo, kusimudzirwa kwenharaunda nemaindasitiri.

“Kuvadzidzi vari kupihwa zvitupa gore negore, tinoda kuona muchishandisa ruzivo rwamunenge mawaniswa mukusimudzira nyika. Tiri kuvandudza makoreji edu nemayunivhesiti kuti ange aine zvivakwa zvemhando yepamusoro izvo zvinobatsira mukusimudzirwa kwedzidzo,” vanodaro Prof Murwira.

Vachitaura pagungano rimwe chete iri, Dr Engineer Tafadzwa Mudondo, avo vanova principal weHarare Polytechnic, vanoti koreji yavo inofundisa mabasa emaoko ayo anobatsira zvikuru vadzidzi vanoburwapo.

“Tiri kuedza kusimudzira nyaya dzezvivakwa nekuti zvinobatsira kuti dzidzo ifambiswe zvakanaka. Pari zvino tine vadzidzi 7 711 kana tichienzanisa ne6 895 vataiva navo gore rapera – kureva kuti vakawedzera nechikamu che10.6 percent.

“Chikamu che58.9 percent ndechevadzidzi vari kuchikamu cheEngineering uye huwandu hwevanhukadzi vari kuita zvidzidzo zverudzi urwu hwakawedzera kubva pa21.4 percent kuenda pa22.8 percent kana tichienzanisa negore rapera,” vanodaro.

Dr Eng. Mudondo vanoti vane vadzidzi 1 400 vari kufundira mabasa mumakambani akasiyana (industrial attachment).

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>