Uncategorized

2017 mombe ngadzive nemichiso

23 Sep, 2016 - 00:09 0 Views
2017 mombe ngadzive nemichiso

Kwayedza

Zvinoderedza kubiwa kwezvipfuyo: zrp

 ‘Zvichibatsirawo pakudzivirira zvirwere’

MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ari kukurudzira varimi kuti vachise mombe dzavo senzira yekuti vazokwanisa kudzironda kana dzichinge dzabiwa, kurasika uye senzira inobatsira kudzivirira kupararira kwezvirwere.Izvi zvinotevera kuwanda kwenyaya dzekubiwa kwemombe kubva mumwedzi waNdira kusvika muna Chikunguru gore rino.

Vachitaura pachirongwa cheZRP and Business Anti-Stock Theft Forum Annual General Meeting icho chakaitwa muHarare nguva yadarika, murongi mukuru anoona nezvekurwisa kubiwa kwemombe – National Co-ordinator for Anti-Stock Theft Unit – Senior Assistant Commissioner Erasmus Makodza, vanoti nyaya dzekubiwa kwemombe dzakakwira nechikamu che16% kubva muna Ndira kusvika muna Chivabvu gore rino.

“Ongororo yakaitwa panyaya dzakamhan’arwa kubva mumwedzi waNdira kusvika waChivabvu 2015, zvakaonekwa kuti mombe 3 535 dzakabiwa pakati pemwedzi iyi kuchizoti 4 103 dzakabiwa muna 2016 mumwedzi mimwe chete.

“Izvi zvinoreva kuti kubiwa kwemombe kwakakwira nechikamu che16% uye kuwanikwa kwedzainge dzabiwa kwakaderera ne1 248, kureva kuti chikamu che35% chemombe ndidzo dzakawanikwa muna 2015 apowo muna 2016 mombe 1 398 dzakawanikwa chinova chikamu che34%,” vanodaro Snr Asst Comm Makodza.

Vanoti kuwanda kwenyaya dzekubiwa kwemombe kwakaita kuti vemabhizimusi vaite mushandirapamwe nemapurisa ari muchikamu cheAnti-Stock Theft Unit pasi pechirongwa chekuchisa mombe kumatunhu ose enyika.

“Vachisi ava vanowanikwa mumatunhu ose enyika uye izvi zvichabatsira kuti kana mombe dzichinge dzabiwa, dzinokwanisa kurondwa dzichiwanikwa,” vanodaro.

Vanoti chikamu che95% chemombe dzakabiwa gore rino dzakange dzisina michiso.

“Semapurisa, tiri kuda kuti paiswe mutemo unorambidza kutengeswa kana kuuraiwa kwemombe dzisina michiso. Hurumende ine tarisiro yekuti gore rinouya mombe dzose dzinge dzava nemichiso uye tiri kufamba mumatunhu ose tichifundisa varimi nezvekukosha kwemichiso,” vanodaro.

Vanotizve zvipfuyo inhaka neupfumi hwakakoshera nyika ino sezvo zvichishandiswa mukurimisa, pakuroora, kuwanisa vanhu nyama, mukaka pamwe nemari apo vanozvitengesa.

“Tinofanira kuchengeta upfumi hwedu zvakasimba. Kuchiswa kwemombe hachisi chinhu chinoitwa nezuva rimwe chete asi kuti pane matanho akati wandei anotevedzwa.

“Chekutanga, murimi anofanira kunotsvaga gwaro rekuti aise michiso pamombe (branding certificate) kumahofisi ekwaRegistrar-General, kutenga simbi dzinoshandiswa mukuchisa kuchizotevera kuchiswa kwadzo,” vanodaro.

Kuchiswa kwemombe, vanodaro Snr Asst Comm Makodza, kunobatsirawo mukuvandudzwa kwenyaya dzekutengeserana nedzimwe nyika apo varimi vanokwanisa kudzitengesa zvakajeka nekuti dzinenge dziine michiso inoratidza kuti ndivo varidzi vadzo.

VaWillis Mhlanga, avo vanove chamangwiza anoona nezvezvipfuyo kusangano reZimbabwe Farmers Union, vanokurudzira varimi kuti vaite kuti mombe dzavo dzichiswe.

“Tinokurudzira zvakare varimi vadiki kuti vanoisisa michiso pamombe dzavo kuti vasazowanikwa vachinetsana maringe nekuziva kuti mombe dzakati ndedzaani. Munguva zhinji mapurisa anosvika pakutengesa mombe dzinenge dzawanikwa mushure mekubiwa nekuti varidzi vadzo vanenge vasina kudziisa michiso inoratidza kuti ndedzavo,” vanodaro

Kwayedza yakakurukurawo nevamwe varimi avo vari kupembedza chirongwa ichi vachiti chinobatsira mukudzivirira kubiwa kwezvipfuyo pamwe nekupararira kwezvirwere.

“Ini mombe dzangu dzose dzine muchiso une maki yandinodziziva nawo uye inenge yakangomiririra ini zvekuti hapana painombozofanana neyedzimwe mombe nekuti yakaita sezvitupa zvevanhu, hazvifanani. Dzisati dzava nemichiso, ndaiita dambudziko rekubirwa asi iko zvino kana mbavha ikangoedza kuba, tinogona kuironda kunyangwe kumasiraha kwainenge yaendeswa.

“Zvakare, sevanhu vari mubhizimusi rezvipfuyo, vemasiraha havatenderwi kungouraya mombe vasina kupihwa mvumo nemapurisa,” vanodaro VaLangton Mutendereki, avo vanochengeta mombe kupurazi ravo riri kuSelous. Vanoti vane mombe, mbudzi nenguruve dzakawanda nokudaro michiso inovabatsira kuti vasatorerane zvipfuyo pachavo sevarimi apo zvinosangana kumafuro.

Mutungamiriri wesangano remadzimai ari munyaya dzekurima, reZimbabwe Indigeneous Women Farmers Trust, Mai Depinah Nkomo, vanoti zvakakosha kuti varimi vatevedzere zvinodiwa pasi pechirongwa chekuchisa zvipfuyo kuitira kuti vazvichengetedze kumbavha.

“Mombe dzinogona kurasika kudhidhi kana kumafuro. Asi kana dziine muchiso, murimi anokwanisa kudzironda. Muchiso iwoyo unenge wakaiswa muzita remurimi zvinova zvine magwaro kunyangwe kumahofisi anotorwa zvitupa. Saka zvinenge zviine umboo kuti ndiwe muridzi wemombe kana dzichinge dzabiwa,” vanodaro Mai Nkomo.

Zvipfuyo zvakaita semombe, hwai, mbudzi, nguruve nemadhongi zvinogona kuiswa michiso kana kuti zvikwangwari munzeve.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>