‘Kuronga mhuri kusimudzira nyika’

14 Jul, 2017 - 00:07 0 Views

Kwayedza

Munyori weKwayedza —
VAKAFANOBATA chigaro chemukuru wesangano reUnited Nations Population Fund (UNPFA), Dr Natalia Kanem, vanoti mazuva ose vanhukadzi vanove varombo nevanorarama muhupoteri kune dzimwe nyika vari kusangana nematambudziko makukutu kuti vange vachiwana nzira dzekuronga nadzo mhuri pamwe neruzivo.

Vachitaura pakucherechedza zuva guru reWorld Population Day, Dr Kanem vanoti zvisinei nebudiriro iripo panyaya yekuwanisa vanhukadzi nzira dzekuronga nadzo mhuri, pachiri nezvimhingamipinyi zvichiri kusanganikwa nazvo.

“Vanhukadzi vanosvika 214 miriyoni vari kunyika dzichiri kusimukira havazi kuwana mukana wekushandisa nzira dzakanaka dzekuronga mhuri. Vakawanda vevanhukadzi ava vari munyika 69 idzo dzine hurombo hwakanyanya. Kuzadzikisa zvishuwo zvavo kunoita kuti pave nekudzivirirwa kwekubviswa kwenhumbu dzisina kurongeka dzinosvika 67 miriyoni pamwe nendufu dzinosvikawo 303 000 pagore,” vanodaro.

Vanoti kuvepo kwenzira dzakanaka dzekuronga mhuri kunobatsira mukusimudzira nyaya dzehupfumi munyika pamwe nekuwanisa vanhukadzi mikana yakaenzana nevanhurume panyaya yedzidzo uye zvinoitawo kuti vakwanise kushanda mabasa anovapa pundutso.Dr Kanem vanoti kusimudzira nzira dzekuronga mhuri kunobatsira munhu wose pamwe nekuzadzisa zvisungo zveSustainable Development Goal 1 zvekupedza hurombo. Kunze kwazvo, budiriro munyaya dzekuronga mhuri inobatsira zvakare mukuzadziswa kwezvimwe zvinangwa zvakaita sekupedza nzara munyika, kusimudzira utano nekuenzaniswa kwemikana pakati pevanhukadzi nevanhurume.

Sangano reUNFPA riri kushanda nesimba kuti panosvika gore ra2030 vanhukadzi vose vange vave kuwana zvekushandisa mukuronga mhuri zviri nyore.

“Apo nhasi tiri kupemberera zuva reWorld Population Day, tinokurudzira hurumende dzose nemamwe mapoka kuti vabatsire mukuzadzakiswa kwezvinangwa izvi,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>