. . . 60 vafa zuva rimwe

19 Jan, 2021 - 15:01 0 Views
. . . 60 vafa zuva rimwe

Kwayedza

Munyori weKwayedza

VAMWEZVE vanhu 60 vakafa nemusi weMuvhuro bedzi neCovid-19 izvo zvakabva zvakwidza huwandu hwevanhu vashaya nechirwere ichi kuenda pa773 musi uyu nyika yose.

Vanhu vakashaya neMuvhuro bedzi ava ndivo vakawandisa vafa mukati mezuva rimwe chete kubvira pakatanga kuonekwa Covid-19 muZimbabwe mumwedzi waKurume gore rapera.

Nemusi mumwe chete uyu, vamwe varwere 689 vakawanikwa vaine Covid-19 – chirwere chinokonzerwa nehutachiona hunodaidzwa kuti coronavirus – zvichibva zvakwidza huwandu hwevanhu vawanikwa vaine denda iri nyika yose kuenda pa27 892.

Mashoko anoburitswa pazuva nebazi rezveutano nekurerwa kwavana anoti, “Pavanhu 27 892 vawanikwa vaine Covid-19 nyika yose mushure mekunge vavhenekwa, 17 372 vavo vakatopona asi vamwe varwere 773 vakashaya. Dunhu reHarare ndiro rafiwa nevanhu vakawandisa vanova 279 richiteverwa nedunhu reBulawayo uko kwashaya vanhu 151 nechirwere ichi.”

Bazi iri rinoti nemusi weMuvhuro bedzi, kudunhu reManicaland kwakafa vanhu gumi zvikabva zvakwidza huwandu hwevashaya nedenda iri ikoko kuenda pa116.

Dunhu rashaya vanhu vashoma neCovid-19 kubva patanga chirwere chisati chawanirwa mushonga wekuchirapa pasi rose ichi iMatabeleland North uko kwava nevarwere vapfumbamwe vashaya nacho zvichitevera kufa kwevaviri ikoko nemusi weMuvhuro.

KuMatabeleland North ndiko kwakatanga kuonekwa murwere wekutanga weCovid-19 muZimbabwe mumwedzi waKurume 2020.

Hurumende iri kutora matanho akasimba ekuedza kumisa kupararira kwecoronavirus munyika muno anosanganisira kuti veruzhinji vambogara kudzimba kudzimara svondo rekutanga remwedzi waKukadzi apo danho iri richazotariswa zvakare.

Vanoita mabasa akakosha chete pari zvino ndivo vari kutenderwa kushanda.

Veruzhinji vari kukurudzirwa zvakare kuti vapfeke mamasiki nenzira kwayo vachivhara muromo nemhuno kana vachibva padzimba dzavo uye kuti vasaite chitsokotsoko.

Zimbabwe pari zvino iri mushishi yekugadzirira kutambira uye kuzogovera mushonga (vaccines) wekudzivirira chirwere cheCovid-19.

Nyika ino inotarisirwa kuwana majekiseni anodarika 3 miriyoni ayo anokosha US$20 miriyoni pasi pechirongwa chiri kutungamirirwa nesangano reAfrican Union (AU).

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>