Famba munhukadzi famba . . . Amai vodzingirira basa zvose nechikoro

16 Mar, 2023 - 14:03 0 Views
Famba munhukadzi famba . . .  Amai vodzingirira basa zvose nechikoro Mai Sylvia Yomisi

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

“KUBUDIRIRA kwemunhukadzi kunobva mukushanda nesimba, kutya Mwari, kuzvibata uye kugona kubata nguva kwakakosha zvikuru pane zvose zvaunoita.

“Munhukadzi rongeka pane zvose zvaunoita, kungava kumba kana kubasa, kana uchida kubudirira.”

Aya mashoko ekurudziro kubva kuna Mai Sylivia Yomisi, avo vanova laboratory manager kubazi reEnvironmental Managemnt Agency (EMA).

Zvisinei nekuti vakashaikirwa nemurume vaine makore 38 ekuberekwa, amai ava vari kuriritira mhuri yavo zvichibva mukushanda nesimba.

Kuratidza kurongeka kwavo, Mai Yomisi vakatotenga dzimba munzvimbo dzinonzi dzinogara shoroma.

“Murume wangu paakashaya, akandisiya ndiine vana vatatu, wekutanga achiita O-Level, mudiki wacho ari Grade 4. Asi ndinofara nekuti ndakwanisa kuendesa vana ava kuchikoro, wekutanga atova gweta, wechipiri ndiEnvironmentalist seni kuchizoti wekupedzisira ari kuita dhigirii rake rezvemari.

Sylivia Yomisi (ari pambasa) kuEMA

“Handirarami nekutengesa muviri kana kuba, asi ndinovimba nekushanda nesimba,” vanodaro.

Mai Yomisi vanoti kunze kwekuenda kubasa, vanorima chibage, mbatatisi, bhinzi nezvimwe vachitengesa izvo zvinoita kuti varerukirwe muraramo yavo nemhuri.

“Ini baba vangu vaive murimi uye takakurira kumapurazi kuMusengezi, kuChegutu, tichirima. Saka mari yekurima ndiyo yakandiendesa kuchikoro.

“Ndine zvipfuyo zvangu zvakawanda uye ndinorangarira rimwe gore apo mari yakanetsa ndikatengesa mombe yangu ndikabhadharira mwana mari yechikoro. Pakashaya murume wangu, ndaigara kurukusheni kuBudiriro asi ndakasara ndichishanda nesimba kusvika ndavaka imba yangu kuBorrowdale uye ndine mamwe masitendi kuCrow Hill nekuEast View andiri kuda kuvaka. Ndiri kuzviita izvi semudzimai akazvimiririra,” vanodaro.

“Ndakaberekwa mumhuri ine vana vapfumbamwe, vakomana vatanhatu nevasikana vatatu, ini ndiri wechitanhatu pakuzvarwa. Ndakadzidza paMkwasha Primary School iri kuMusengezi, kuChegutu, ndikazopedzisira zvidzidzo zvangu zveGrade 7 kuBulawayo paMagwegwe Primary School muna1980,” vanodaro.

Yomisi ari mumba make

Vanoti pakati pegore ra1981 na1984 vakanoita zvidzidzo zvesekondari paMoleli High School vachibva vazoita Form 5 ne6 paBonda Girls High.

“Muna1987, ndakazoenda kuUniversity of Zimbabwe ndikanoita dhigirii rangu rekutanga reBachelor of Honours in Chemistry. Muna1991 ndakapinda mubazi rezvedzidzo apo ndakafundisa vana zvidzidzo zvePhysics neChemistry.

“Handina kuda kuzorora munyaya dzedzidzo apo mugore ra1986 ndakadzokera kuUniversity of Zimbabwe ndikatora chitupa changu cheGraduate Certificate in Education.

“Ndakabva ndaenda kunodzidzisa kwemakore anodarika masere, mushure mezvo ndichibva ndapinda mubazi rezvemvura nekusimudzirwa kwemaruwa ndichishanda senyanzvi inoona nezvekuvhenekwa kwemvura (Chemist Water Pollution Control Unit.”

Mai Yomisi vanoti muna2000, vakaita zvidzidzo zveMasters in Intergrated Water Resources Management paUniversity of Zimbabwe.

“Panguva imwe cheteyo, ndakanga ndiri kuita zvidzidzo zvakadai seLaboratory Management Systems Development, Internal Auditing for Laboratory Management Systems, Quality Assurance, Results Based Performance Management neProcurement Procedures.

“Zvose izvi ndaizviita nekuti ndaikoshesa dzidzo uye kuti ndizowanawo basa rakanaka nekuti hakuna chinouya choga iwe wakarara. Makambani mazhinji anotarisa dzidzo yemushandi kuti vasarasikirwe,” vanodaro.

Mai Yomisi vanoti mugore ra2002, vakabva vaenda kunoshanda kubazi reZimbabwe National Water Authority (Zinwa) mushure nekunge chikamu cheWater Pollution chaendeswa kubazi iri.

“Mugore ra2002, chikamu ichi chakabva chaendeswa zvekare kubazi reEMA kunova kwandava. Ndiri kuno kuEMA, ndakawaniswa zvigaro zvakawanda zvinobvira pakuva chemist naprincipal analyst ndikazova Laboratory Manager rinova basa randiri kuita nanhasi.”

Mai Yomisi vanoti vanofara zvikuru sezvo vaine hunyanzvi huzere hwemakore anosvika 24 mubasa ravanoita apo vanobata mabasa akadai sekuvheneka zvinhu zvinosanganisira mweya wekufema, kuchena kana kusviba kwemvura, kupa veruzhinji ruzivo maringe nekuchengetedzwa kwenharaunda.

Syvia Yomisi achiratidza imba nemota zvaakatenga

“Kunze kwemabasa ose andinoita, ndiri munhuwo anofara saka pandinenge ndichida kuzorodza pfungwa, ndinoshanyira nzvimbo dzinoyevedza nemhuri yangu nekuti ndinoididisa chaizvo. Ndinofarira kushumira Musiki pamwe nekurima nekuti handimiriri mari yemuhoro yekubasa bedzi, ndinoitawo mamwe mabhindauko kuti zvireruke,” vanodaro.

Vanoti mune ramagwana vari kuronga kuita mabhindauko anobatsira mukuchengetedzwa kwenharaunda achiita kuti nyika iwane mari.

“Kune vechidiki vari kunze uko, ndinoti koshesai dzidzo yenyu uye siyanai nezvinodhaka. Vavarirai mabasa ebudiriro uye hakuna chinoitwa nemunhurume chisingakwanisi kuitwa nemunhukadzi kana aine shungu nerutsigiro bedzi,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>