MaLady Chevrons orwira kuenda kuWC

18 Apr, 2024 - 21:04 0 Views
MaLady Chevrons orwira kuenda kuWC MaLady Chevrons

Kwayedza

Abel Ndooka

CHIKWATA chenyika checricket chemaLady Chevrons chiri kuUnited Arab Emirates uko chiri kukwikwidza mumutambo weICC Women’s T20 World Cup Qualifier 2024 wekurwira tikiti rekuenda kuWorld Cup.

Mutambo weICC Women’s T20 World Cup uchatambwa gore rino kunyika yeBangladesh.

KuUAE kune zvikwata zvisere izvo zviri kurwira zvinzvimbo zviviri zvekuenda kuBangladesh. KuICC Women’s T20 World Cup Qualifier, iyo ichatanga svondo rinotevera, zvikwata zviriko zvakaiswa mumapoka maviri anoti Group A neB.

MaLady Chevrons ari muboka rechipiri umo achasangana neNetherlands, UAE ne Vanuatu.

Boka rekutanga rine zvikwata zvinoti Scotland, Sri Lanka, Thailand, Uganda neUnited States of America.

Zvikwata zviviri zvichakunda kumutambo uyu ndizvo zvichaburira kuenda kuBangladesh kuWorld Cup uko zvichazonosangana nezvimwe zvakabudirira kare zvinoti Australia, England, India, South Africa, New Zealand, West Indies nePakistan.

MaLady Chevrons achange achitungamirirwa naMary-Anne Musonda uye muchikwata chavo mune vatambi vanosanganisira Kelis Ndhlovu, Josephine Nkomo naSharne Mayers.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey