‘Rusununguko rwasimudzira mitambo’

18 Apr, 2024 - 21:04 0 Views
‘Rusununguko rwasimudzira mitambo’ Sensei Clover Musariri (wechitatu kubva kuruboshwe) aine vamwe vachikwata chake chekarate cheMai Musodzi Hall Shukokai Karate Club

Kwayedza

Kingstone Mapupu

CHIKWATA chemutambo wekarate cheMai Musodzi Hall Shukokai Karate Club chekuMbare, muHarare chinoti kuwana kwakaita Zimbabwe kuzvitonga kuzere mugore ra1980 kwabatsira zvakanyanya mubudiriro yenyaya dzemitambo sezvo mimwe yacho kare yaisimudzira vachena chete vanhu vatema vachitarisirwa pasi.

Sensei Clover Musariri (54), uyo anotungamirira chikwata ichi, anoti makore ekuma1970s pavakatanga kuita mutambo wekarate vachitungamirirwa nevachena hakuna munhu mutema aiburitswa pachena kuti aigona kudarika vachena.

“Mutambo uyu ndakautanga ndiri mudiki zvikuru makore ekuma1978 tichiitira muguta reSalisbury yava Harare izvozvi apo taitungamirirwa nevachena. Kunyangwe ukagona sei munhu mutema havaimbozvitaura kwaingonzi vachena chete ndivo vaiva nyanzvi uye kunze kwenyika kunokwikwidza mutambo wekarate kwaiendawo vachena chete,” anodaro Sensei Musariri.

Anoti dzainzi shasha dzemutambo uyu vaidziona mumabhaisikopo avaitaridzwa nevachena.

“Rusununguko rwenyika rwauya mugore ra1980, takatangawo kuonekwa mumutambo wedu uyu nemimwe yakasiyana. Takazove nenyanzvi dzedu dzaiendawo kunyika dzemhiri kunokwikwidza tichitouya nemikombe yakasiyana. Saka rusununguko rwenyika yedu urwo tichapemberera nemusi weChina rwakakosha zvikuru kumunhu wese, hazvina mhosva kuti munhu ndiyani,” anodaro Sensei Musariri.

Anoenderera mberi achiti: “Tichipemberera makore 44 ekuzvitonga kuzere kwenyika, tinotevedzera mashoko emutungamiri wenyika President Mnangagwa ekuti vechidiki vasiyane nekutora zvinodhaka izvo zvaparadza vakawanda. Pamutambo wedu wekarate tinoita kuti vechidiki vawane zvekuita vorega kuswera vakagara mumabhiriji vachitora mutoriro nezvimwe zvinodhaka. Saka tinoti vechidiki vemuno muMbare huyai tikudzidzisei karate muwane zvekuita.”

Share This:

Sponsored Links