Akabirwa nevanhu vamutakura nemota

20 Apr, 2023 - 15:04 0 Views
Akabirwa nevanhu vamutakura nemota Inspector Chakanza

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MURUME wekuDomboshava anonzi abirwa mari, nhare nemimwe midziyo inokosha US$150 nemakororo ainge akapakata pfuti mushure mekunge akwira motokari yavo mumugwagwa weBorrowdale, muguta reHarare.

Mutauriri wemapurisa mudunhu reHarare, Inspector Luckmore Chakanza, vanoti nyaya iyi yakaitika apo mumhan’ari, Mugove Makoni (37), wekwaSabhuku Gukwe, kuDomboshava, akakwira motokari yemhando yeHonda CRV mumugwagwa weBorrowdale padyo neHellenic School uye haana kukwanisa kutora nhamba dzemotokari yembavha idzi.

“Paakapinda mumotokari iyi, maive nevarume vaviri kusanganisira mutyairi nemumwe ainge akagara nechekumberi saka iye anoti akasvikogara kumashure ari oga. Vari mumugwagwa weBorrowdale kudaro, murume uya ainge akagara kumberi nemutyairi akabva aburitsa pfuti isina kuzivikanwa mhando yayo uye banga achibva audza Makoni kuti aburitse zvinhu zvose zvinokosha zvaainge anazvo,” vanodaro.

Makoni anonzi akabva aburitsa US$34, sando nenharembozha yemhando yeTecno Spark 7 zvichibva zvatorwa nemakororo aya.

“Mushure mekumutorera zvinhu zvake, vakanomusiya panosangana mugwagwa Alpes naMt Pleasant Drive vachibva vatiza. Midziyo yose yakabirwa mumhan’ari inokosha US$150 uye hapana chati chawanikwa,” vanodaro.

Inspector Mwanza vanoti Makoni akazotakurwa nemumwe munhu akaitawo tsiye nyoro achibva akwanisa kunomhan’ara nyaya iyi paZRP Avondale Police Station.

“Pari zvino hapana ati asungwa nenyaya iyi uye tichiri kuita ongororo. Tinokumbirawo kune veruzhinji kuti kana pane ane ruzivo maringe nenyaya yemakororo aya azivise mapurisa ari pedyo.

“Zvekare, tinoyambira veruzhinji kuti vasangokwira motokari dzose-dzose, zvikuru munguva dzemanheru sezvo zvichipa mikana yekuti vabirwe kana kumbunyikidzwa. Zvakakosha kukwira motokari dzinotakura veruzhinji kuti pave nechengetedzo,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>