‘Ipfambi iyo, ndiko kwaakasotwa’

22 Jul, 2016 - 00:07 0 Views

Kwayedza

Kingstone Mapupu
VABEREKI vemukadzi anoti ari kuitwa mukadzi nezinyoka iro rinomuyamwa, richipinda nemukanwa serinomutsvoda uye kugara mudumbu make vanoti mwanasikana wavo uyu ngaataure chokwadi chekuti ipfambi yemakoko zvekuti anoziva kwakabva dambudziko rake. Pauline Gore (35) ari kupomera vabereki vake achiti ndivo vanoziva kwakabva dambudziko rake.

Nemusi weChipiri svondo rino, Kwayedza yakanoita hurukuro nevabereki vaPauline kuGoromonzi pamusoro penyaya iyi. Baba vake, VaRudolf Gore (74), avo vanogara papurazi reGirinock uye vari sabhuku, vanoti havanei nezviri kunetsa Pauline kunze kwekuti ndiye akazviparira oga.

“Pauline aiva akaroorwa zvakanaka kuMt Darwin, ane pfuma iri pano iyi kusanganisa mbudzi. Akazopindwa nechipfambi ndokuuya pano achiti murume wake aimushandisira mishonga achibva atanga kuita zvezvikomba. Akatomborohwa zvakaomarara kwaRusike atiza murume achinyepa kuti aiuya kuno kumba ndokuzowanikidzwa nemuridzi wemurume.

“Isu tinoti akaroyiwa nevakadzi vane varume vaaidanana navo kana ivo varume vaakadyira mari dzavo,” vanodaro VaGore. Vanoti vakaedza kumutsiura zvechipfambi chake akaramba kuvanzwa “izvo zvazomupinza mudambudziko”. Aifunga kuti chipfambi chinobhadhara kana kuti hushasha! Azoona kuti hazvina muripo kunze kwekurwara.

“Hakuna mudzimai angagare pasi achiona murume wake achitorwa akayeva. Kune varume vaaidya dzimwe nguva ndivo vakamugadzira. Ngaauye kuno kumusha tifambe naye, haadi kunze kwekutiita varoyi. Akanogara kumataundishipi uko aibhuka achiita chipfambi zvinozivikanwa muno.”

VaGore vanoti vana vaPauline vashanu ndivo vakavachengeta kusvikira vakura uye izvozvi vane mudiki ane makore mashanu wavari kugara naye. “Nyaya yemaporofita ndiyo yanetsa kumwana wedu, munhu wose muroyi kwaari. Akasvika pano haanwe mvura yaasingazive kwayabva kana kudya anoti anoroyiwa. Pavana vedu gumi, ndiye chete anoti tinomuroya, hapana huroyi apa.

“Iye nemunin’ina wake vakuvadzwa nechipfambi, havadi kutiterera, mabandupandu chaiwo. Uyu mudiki akarova murume zvakaomarara akatiza, izvozvi haana murume. Dzimba dzinotochengetwa, mukaona isu tasvika pano kudai,” vanodaro VaGore.

VaGore nemhuri yavo vanopinda chechi yeHoly Intenational Church uko vanoti vanoshevedza mwanasikana uyu achiramba kunobatsirwa. Vanoti Pauline akambogara neimwe n’anga yavanoti akaidya mari vakazonetsana n’anga iyi ichiti yaida kudzoserwa mari yayo.

“Pamwe zvichida n’anga yaakagara nayo kuMabvuku (kuHarare) ndiyo yakamugadzira. Ngaanoreurura kuvarume vevanhu vaaidanana navo nekumadzimai avo kwete kunanga isu huroyi. Tinotomudawo semwana wedu, handisu takati aite pfambi.”

Pauline, vanodaro VaGore, asvibisa zita ravo zvikuru uye vanoti pavanomuonera vanoda kumurova kunge nyoka yapinda mumba.

“Nyaya yekutinanga huroyi iyi akaibvira kare. Ini ndinoda kuti andiripe mbudzi sababa asi amai vake vakati vanoda mombe nembudzi zvinoenda kumusha kwavo,” vanodaro.

Amai vaPauline, Mai Maria Gore (63), vanoti vanoda kuripwa nemwana wavo uyu.

“Mwana uyu handizive kuti pfungwa dzake dzichakanaka here? Akaroyiwa muchipfambi umu, ave kupenga. Ndinoda kuti andiripe kundinanga huroyi kwaakaita,” vanodaro.

Vanoti nyaya inonzi naPauline akaisvitsa kwaSadunhu Musonza yaiva yekurambana kwake nemurume kwete kuti vanomuroya.

“Pakuti anoburitswa basa kwese kwaanoshanda Pauline, kuba. Haagone kusiya zvevaridzi,” vanodaro Mai Gore.

Vanodemba kuti dai vasina zvavo kuita vanasikana, vakangogumira pavakomana vasere uye vanoti vakatoita zvekunouchikwa kuti vazvare vana vasikana sezvo vachiti vaingoita vakomana chete.

Tatenda Gore (26, hanzvadzi yaPauline, anotsinhira mashoko ababa naamai vake achiti ipfambi yemandiriri.

“Nyaya yake yekuti ane zvaaiona akaitaura tikamuti auye kuno haadi. Vanatete vakamushevedza kugungano revanamati akaramba zvose nasisi vadiki,” akadaro Tatenda.

Mashoko ake anotsigirwa neemunin’a wake, Panashe Gore (23), achiti Pauline anomunangawo huroyi.

“Ini anonditi ndakaenda kuMozambique kunotora divisi rekurima izvo ndisina ruzivo nazvo. Hanzvadzi yedu inoda kubatsirwa,” anodaro.

Asi Pauline anoramba mashoko ekuti ipfambi yemakoko.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>