Uncategorized

‘mukadzi wangu ari kudanana nemuporofita’

07 Sep, 2018 - 00:09 0 Views

Kwayedza

Gamuchirai Muzanenhamu

MURUME wekuendeswa kudare redzimhosva nemudzimai wake achida gwaro redziviriro, anoti iyi inzira yekuti mukadzi uyu awane nguva yekusanana nechikomba chake chinova muporofita icho chinonzi chinomutora nemotokari vachinoita “kugochi gochi”.

Takunda Mlambo akataura mashoko aya muHarare Civil Court mushure mekunge amhan’arirwa nemudzimai wake, Kundai Mlambo.

Kundai anoti murume wake anotaura mashoko asina kukodzera pane vana vavo uye nekuvavakidzani kusanganisira kumuti ipfambi yemakoko.

“Hatigare tese nekuda kwebasa rake, asi anoti paanodzoka anorara mune imwe imba achibika oga achiudza vana kuti handisi amai vavo. Kuvavakidzani nevekusvondo anoti ndiri pfambi uye ndinoroya, ndokusaka asiri kudya zvandinobika,” anodaro Kundai.

Anoti Takunda anomutyisidzira achiti ari kuda kumupfura nepfuti.

“Anoti anoda kundiuraya izvo zvinondityisa nekuti musoja anogara nepfuti. Saka akataura mashoko akadaro zvinopinza kutya mandiri,” anodaro.

Takunda anoramba kuti ari kushungurudza Kundai.

“Zvose zvaataura manyepo, akambondimhan’arira kubasa kwangu achiti ndinomurova ndikanzi ndisamubate. Ndosaka ndiri kuzviitira zvinhu zvangu ndega kana ndichinge ndadzoka kumba,” anodaro.

Anoti vavakidzani vaari kunzi anotaurira nezvehupfambi hwaKundai ndivo vari kumufonera ari kubasa vachimuudza kuti pane muporofita ari kuuya kumba kwake aine Benz achitora mudzimai wake vachienda kunosasana vachigocha nyama.

“Vavakidzani vaari kuti ndiri kuvaudza zvechipfambi chake ndivo vari kutondifonera ndiri kubasa vachitaura zveBenz iri kuuya ichimutora vachienda kunogocha.

“Ndakamubvunza akati Benz iyi ndeye muporofita, saka ndiri kuona kuti ndizvo zvakamubhowa akamhanyira kuno kudare kuti apihwe gwaro rekuti asasane nemuporofita wake,” anodaro Takunda. Mutongi Tafadzwa Miti akapa Kundai gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links