Aponda murume wake ndokutiza nemari yeroora

21 Apr, 2024 - 18:04 0 Views
Aponda murume wake ndokutiza nemari yeroora Davison Mtukwa

Kwayedza

Tendai Gukutikwa

MUKADZI wekwaMutare uyo anogara muguta reCape Town, kuSouth Africa, akatsakatika mushure mekupisa murume wake nemafuta ekubikisa zvakaipisisa nekuda kwenyaya yemari yeroora rake iyo akazoba ndokutiza nayo.

Moreblessing Nyakunu (40) anonzi akanetsana nemurume wake, Moses Mtukwa (41), nekuda kwemari iyi zvikazoita kuti amudire mafuta aifashaira, murume uyu ndokuzofa nekuda kwekukuvara kwaakaita ari muchipatara chemuCape Town nemusi weChina chadarika.

Moses ange agara muchipatara kwemavhiki maviri uye aitobatsirwa kufema nemichina, sekutaura kwemunin’ina wake, Davison Mtukwa.

Muhurukuro, Davison anoti mushure mekunge Moreblessing apisa murume wake nemafuta ekubikisa, akabva aba R31 000 neUS$800 iyo murume wake aichengeta semari yeroora, achibva atsakatika nayo.

“Mukoma wangu akafa nekuda kwekukuvara kwaakaita mushure mekupiswa nemafuta ekubikisa. Chinonyanya kurwadza ndechekuti Nyakunu haana kutizivisa kuti mukoma wedu ari muchipatara. Pose pataimufonera aipindura sekunge zvinhu zvose zvakanaka. Pose paifona hanzvadzi yangu iri kuSouth Africa achitsvaga Moses, Nyakunu aimuudza kuti (Moses) ari kumba uye iye ari kubasa,” anodaro.

Davison anoti vakazoziva kuti mukoma wavo aive muchipatara mushure memazuva mashanu apo mumwe munhu ane tsiye nyoro, uyo akamhanya naye kuchipatara, akaudza hanzvadzi yake.

“Panguva iyoyo, Moses achiri kutaura, akaudza hanzvadzi yedu kuti kumba aive neR31 000 neUS$800. Akati mari iyi ndeyekuroora Nyakunu. Akambondiudza nezvemari yake yaaichengeta uye taironga kuzoshanyira mhuri yekwaNyakunu kuti tinopedzisa rimwe jeredzwa reroora,” anodaro.

Davison anoti hanzvadzi yavo payakaenda kumba kwaMoses, yakawana kusina munhu uye mari iyi isiko zvekare sezvo Moreblessing aive atiza nayo.

“Mukoma wangu naNyakunu vakaita mwana vose vachiri kugara mubhuku raBvirindi riri kwaMambo Zimunya. Vakambosiyana uye takashamisika kunzwa kuti vadzokerana apo akaenda kuSouth Africa.

“Vose vari vaviri vakambodzoka kumusha ndokubvisa chimwe chikamu cheroora. Kusvika pari zvino, hatina kumbonzwa nezvekunetsana pakati pavo. Vairatidza sevanowirirana zvakanyanya uye takarohwa nehana tichinzwa nezvenhamo iyi.

“Mukoma wangu akaudza hanzvadzi yedu asati ave kubatsirwa kufema nemichina kuti Nyakunu akanga amupisa nemafuta nekuti aida kushandisa mari yeroora pane zvimwe zvinhu. Pashure pekumupisa, vavakidzani vakamumhanyisa kuchipatara.

“Uyu mukadzi akanyangarika nemari. Kusvika pari zvino mapurisa ekuSouth Africa ari kumutsvaga nekuti akapara mhosva yakaipisisa,” anodaro.

Davison anoti vane mashoko emameseji eWhatsApp uye enhaurirano akatumirwa pakati paMoreblessing nemukoma wake.

Mumashoko aya, Moreblessing aitaura kuti mari iyi aida kuishandisa zvimwe achiti Moses aifanira kumupa uye ozotsvaga imwe mari yeroora gare gare.

Mhuri yekwaMtukwa pari zvino iri kukumbira rubatsiro kune veruzhinji rwekuti vakwanise kuunganidza R17 000 iri kudiwa kuti mutumbi waMoses utakurwe kubva kuSouth Africa uchiunzwa kumusha kuZimbabwe kuzovigwa.

“R27 000 ndiyo inodiwa pamwe chete uye semhuri takwanisa kuunganidza R10 000. Dai asina kuba mari, tingadai takwanisa kudzosa mutumbi wehama yedu kumusha nemari iyoyo. Tinokumbira kuZimbabwe, hama neshamwari kuti vatibatsire mutumbi wemukoma wedu uunzwe kumusha” anodaro Davison.

Vanoda kubatsira vanobata Davison panhare dzinoti +263 774 411 748 idzo dzine yeEcoCash pamwe neakaundi yeUS$ zvekare.

Munyori uno akazama kubata Moreblessing paWhatsApp asi hazvina chazvakabatsira sezvo isiri kubatika.

Pakashanyirwa kumusha kwake kwaBvirindi nevatori venhau, amai vaMoreblessing, Mai Loveness Nyakunu nevanin’ina vake vaviri vainetsekana kuti vangagadzirise sei nyaya iyi.

Mbuya Loveness Nyakunu

Mbuya Loveness Nyakunu vanotsanangura mwanasikana wavo semunhu wemhirizhonga.

“Handidi kunyepa, Moreblessing munhu ane mhirizhonga uye anogara achinetsana nehanzvadzi dzake, asi hatina kumbobvira tafungira kuti zvingazosvika pakadai. Hatina kumbofunga kuti angauraye murume wake uye ndakavhunduka zvakanyanya ndichinzwa nyaya inosuwisa iyi. Ndakatombofenda ndikatomhanyiswa kukiriniki uko ndakanofefemuka,” vanodaro.

Vanoti nemusi weMuvhuro uno vakaenda kumhuri yekwaMtukwa vachinovabata maoko.

Tinashe Nyakunu

Hanzvadzi yaMoreblessing, Tinashe Nyakunu, anoti vari kumutsvagawo.

“Moreblessing anofanira kubuda kwaari, otarisana nemhosva yake. Hongu akakanganisa, asi achiri mumwe wedu. Anofanira kuzvipira kune vezvemutemo kuti pasi rose rizive chokwadi,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links