Uncategorized

Mhandara inotamba nenjuzu

14 Sep, 2018 - 00:09 0 Views
Mhandara  inotamba nenjuzu Nicole Munson

Kwayedza

Kingstone Mapupu

CHIGAGAIRWA kana kuti mhenya yemusikana wechidiki anogara kuNorton anoti anorara mumba, asi ofuma ari panze asingazive kuti abuda sei sezvo gonhi rinenge rakakiiwa nemukati uye anoenda kudhamu reko achinodya hove mbishi nemupunga pamwe chete nenjuzu.

Anoti kudhamu kwaanoenda anonosangana nevamwe vanhu uko vanoratidzwa mishonga nenjuzu.

Nicole Munson wepanhamba 2741 Mother and Son, kuKatanga, izvi zvakatanga achiri mwana mudiki achinzi ane shavi renjuzu.

“Ndichiri mudiki uye ndichigara nemukoma wangu kuChitungwiza, ndakaenda navo kudhamu reDam View. Ndakangonzwa dzungu tiri pedyo nedziva ndichibva ndangotanga kusaziva zvandiri.

“Ndakazonzwa mukoma wangu achiti ndakaita mazuva matatu vachinditsvaga ndapinda mumvura. Vakazondiwana ndakanyorova muviri wose ndiri mutsanga dziri kumahombekombe edhamu iri,” anodaro Nicole.

Nicole anoti izvi zvakatanga aine makore mana ekuberekwa apo aingorota achinzi, “Huya kumvura!” achitozogumisira asvinura apo aiona vachitova mukati memvura nenjuzu nevamwe vanhu.

“Zvadaro, zvakaramba zvichienderera mberi kusvikira ndave kufuma muviri wangu wose wakatota nemvura, zvose nembatya asi ndirere mumba. Asi Pamwe ndinozongopatika ndirere panze asi mumba mandinenge ndamborara makakiiwa nemukati.”

Nicole anoti kana akagumburisana nemunhu, munhu iyeye anoita munyama unogona kumuburitsisa basa kana kushaya zvimwe zvinhu kumba kwake semari.

“Ndine vamwe vandinoshanda navo vanoita zvemumvura izvi, vane mari yakawanda zvikuru zvose nemasimba. Asi dambudziko rangu ndichikura ndairwara nemakumbo achizvimba ndokuenda kune mamwe madzimai vanobatsira kuChitungwiza vakanditi ndaiva neshavi renjuzu.

“Ndakanzi nditenge machira maviri — rewhite neregreen — izvo takaita,” anodaro.

Panguva iyoyo, anoti makumbo ake aizvimba akabva apora ndokutanga kurota achiratidzwa sango remishonga yechivanhu uko anoti aitozoguma oenda kana dai akasvinura.

“Ipapo ndakatanga kunzwa mazwi evanhu vanondishevedza nezita rangu panze husiku asi vandisingaone. Ndinozogumisira ndabuda panze asi dhoo rakakiiwa.

“Dzimwe nguva ndikabuda ndinobva ndananga kurwizi uko tinonosangana nevamwe vangu,” anodaro.

Musikana uyu anoti pane nguva yaanotaura nevanhu vaasingaone kana kuziva, vachitorova chikuwe kuseka.

“Vanhu vanotoshamisika kuona ndichitaura nekuseka nevanhu asi ivo vasingavaone.”

Nicole Munson ari pamba

Nicole anoti vabereki vake — Tendai Munson naMartha Banda — vanoziva nezvenyaya iyi.

“Zvakazonyanya kubuda pachena ndaenda kunoshandirwa apo mweya wenjuzu wakabuda uchitaura nemazwi evanhu 7 kusanganisira vakuru nevana vadiki, varume nemadzimai.

“Chimwe chishamiso ndechekuti ndikazvitora mifananidzo, kana ndikada kuitumira kuvamwe vanhu — kusanganisira vamwe tete vangu — mapikicha acho anonosvika ikoko ini ndasanduka kuita njuzu, kana kuti ndakamira nenjuzu asi ndambozvitora ndiri ndoga,” anodaro.

Anotizve kwese kwaari kuenda kunoshandirwa anoudzwa kuti zviri kuitika

kwaari ndezveSatanism uye pane mweya wenjuzu inomushandisa.

“Ndinongoerekana ndaisirwa zvekudya mundiro chena pamberi pangu, kunyanya mupunga nehove kana nenyama nesadza rechinyakare. Pane izwi rechikadzi rinondiudza kuti ndizvidye.

“Kubva kare, izvi zvaitoonekwa nevamwe vanhu vandinenge ndiinavo. Ndakaenda kuchechi nemumwe musikana ndichitoda zvangu kunobvunzawo nezvemukomana wandinodanana naye, ndipo pandakasvikotanga kubatwa nemadhimoni enjuzu.

“Chigubhu chemvura yandainamatirwa chakangoerekana chava neringi hombe rinopeny’a mukati umo ndaiona vanhu vaitoshambira nenjuzu. Mvura yaivamo yakazoraswa chigubhu ichi chikashaikwa kuti chakatorwa nani,” anodaro Nicole.

Musikana uyu anotiwo nguva yaaiva kuchikoro, panzvimbo yekuona varairidzi, iye aiona njuzu pamberi pake izvo zvaimukanganisa zvidzidzo zvake.

“Imwe nyaya inoitika kwandiri ndeyekuti ndine mukuru wangu wezvekumvura anogara kuChinhoyi. Taimboenda kuChinhoyi Caves tichinoita chivanhu nenjuzu idzi, asi handichada ndave kuda kuti zvipere,” anodaro Nicole.

Nicole ari kugara naambuya nasekuru vake kuNorton.

“Ndine kwandiri kubatsirwa uko ndakaenda nemachira andakatengeswa ndichinzi ndeenjuzu ayo takanzi tipise asi takaita nguva inodarika maawa maviri achiramba kutsva kudzimara sekuru vakazoaisa peturo kuti atsve,” anodaro.

Abigail Rangwani (21), uyo anova tete kuna Nicole, anotsinhira kuti anotumirwa mifananidzo nemuzukuru wake aine njuzu kana kuti iye ari njuzu.

“Ichokwadi, akanditumira mifananidzo yake yaanozvitora inosvika kwandiri iye aine besu sezvakaita hove zvichiratidza kuti injuzu asi musoro uri wake,” anodaro Abigail.

Anoti nekutya, anobva adzima mifananidzo iyi munhare yake.

Mai Lucia Ndlovu (41), vanova ambuya vaNicole, vanotsanangurawo zviri kuitika kumuzukuru wavo.

“Patakatanga kugara naye, aingopunzika achibuda mumba zvinoshamisa. Nyaya iyi takazoiziva aenda oga kuimwe chechi uko ari kushandirwa. Iye anobvuma zviri kuitika kwaari izvi,” vanodaro.

VaTavengwa Rangwani (44), vanova sekuru vaNicole, vanoti vaigara nemuzukuru wavo asi vasingazive zvinoitika kwaari.

“Mwana uyu ndakatanga kugara naye aine gore nemwedzi mishanu asi tisingazive kuti pane mweya wenjuzu waimufudza.

‘‘Zvakazobuda gore rino apo akadzoka kubva kuChitungwiza uko aigara nasisi vake,” vanodaro.

Vanoti vakambotya kugara naNicole nekuda kwenyaya iyi asi vakazoona kuti hakuna kumwe kwekumuendesa.

“Izvozvi kune kwaari kubatsirwa kubvisa mweya uyu nemumwe mufundisi weimwe chechi,” vanodaro.

Leeroy Munson (20), uyo anova hanzvadzi yaNicole, anotsinhira kuti musikana uyu anorara mumba asi ofuma ari panze apo gonhi rinenge rakakiiwa nemukati.

Votaura pamusoro pezviri kuitika kumusikana uyu, Pastor Kudakwashe Mukonyo (39) vechechi yeStreams of Hope, vanoti: “Munhu ane shavi renjuzu anokwezva varume vane mari iyo inotorwa ichiendeswa kumvura kune njuzu huru.”

Kuchiti Sekuru Elisha Mutanga vanove nhengo yesangano reZinatha vanoti shavi renjuzu haribviswe pamunhu nemaporofita kana nemafundisi.

“Mweya wenjuzu haubviswe kumachechi uye ukazopisa machira sezviri kuitwa nemhuri iyi wairasa, watanga hondo isingaperi.

‘‘Njuzu inobikirwa doro yopembedzwa yoshava mumusha nekuti shavi iri rinorera munhu kubva ari mudiki kusvika achembera nekuzofa.

‘‘Ukati wabviswa shavi iri, wawira muchoto, unogona kupenga kana kufa nenzira dzisina tsarukano nekuti njuzu inouraya uye inogona kukusiya kwemazuva mashoma asi yozodzoka yava nehasha,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links