Uncategorized

‘Ndakabikwa nemukadzi’ … Akaroverwa huku yeKisimusi

18 Jan, 2019 - 00:01 0 Views
‘Ndakabikwa nemukadzi’ … Akaroverwa huku yeKisimusi Pamubhedha paaidzipirwa — Mifananidzo naMemory Mangombe

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MURUME wekuNorton haasi kana kumbonyara kudura kuti akarohwa nemudzimai wake senyoka yapinda mumba ndokukuvara mumusoro apo aipomerwa kutadza kutenga huku yekuti vadye pazororo reKirisimasi. Onias Machira (34) – uyo anogara panhamba 7828 kuMashlands – anoti kana munhu achinyara kutaura kuti akarohwa nemudzimai, anenge asina kunyatsozvambaradzwa sezvaakaitwa.

Murume uyu anoti akaroorana nemudzimai wake, Constance Mushore (30), mugore ra2008 uye vane vana vaviri vose.

Anoti aka ndekekutanga kurohwa nemudzimai wake zvakasimba kudaro.

Bongozozo rehuku iri anoti rakaitika masikati emusi wa24 Zvita apo vaviri ava vaiva mumba vachiita gadziriro dzezororo reKirisimasi neGoredzva.

“Ini basa rangu ndiri mufish monger, ndinobata hove ndichitengesa – kureva kuti kana iri nyama yehove mhuri yangu yaneta nayo. Saka nemusi uyu ndakambenge ndatenga imwe huku yataiva tichizoda kuuraya musi weKirisimasi. Asi pakabva pazouya mumwe muenzi anonyarikana apo ndakavati vauraye huku iyi masikati tichibva tadya nemuenzi uyu kukasara chidimbu chehuku iyi,” anodaro.

Machira anoti pavakauraya huku iyi, akavimbisa mudzimai wake kuti aizotenga imwe achiti aizotsvaga mari iri muzvikwereti zvake zvehove.

“Dambudziko rakazouya apo vanhu vane zvikwereti zvangu vose vakatadza kundipa mari, mumwe akanditi aienda kumusha kwake ndokuvimbisa kuzondipa mari yangu nemusi wa28 Zvita kana adzoka,” anodaro.

Anoti akazoudza mukadzi wake kuti ainge ashaya mari yekutenga imwe huku, “izvo zvakagumbura madhamu zvikuru vachibva vakatanga kupopota vachiti vanotoda kuona huku mumba musi wakare sekuvimbisana kwandainge ndaita”.

“Akatanga kudya marasha achiti pamba apa hapaizogarika kana pasina huku yekudya paKirisimasi. Ndakamboedza kumuudza kuti vanhu vaiva nezvikwereti zvangu vaiti vachachazondipa mari zororo rapera. Ndakaedza kumunyengetedza kuti tizobika nyama shoma yaiva yasara pahuku yataiva tauraira muenzi asi akaramba achibva angonhonga chituru chinogara mumba yedu yekurara icho akandizvakatsa nacho kumusana ndichibva ndapunzikira pasi ndakatarisa mudenga ndichizhamba.”

Machira anoti mudzimai wake akaramba achimurova nechituru apo aiva akawira pasi achiridza mhere kuti abatsirwe nevanhu.

Anoti akazomuka ndokuedza kutiza apo akadzipwa pahuro ndokukandwa pamubhedha ndokukanyangwa mutsipa akadzvanyirirwa pasi zvekuti akaguma otadza kufema.

“Pamubhedha apa ndipo pakanga pakarara mwana wedu mucheche uyo ndakapotsa ndatsitsirira apo ndaizvambaradzwa. Panguva iyi, aingoshevedzera kuti anoda huku nekukurumidza. Akazondirega achiti aitoda kuti ndinotsvaga mari yekutenga huku zuva risati radoka,” anodaro.

Murume uyu anoti akazobuda mumba ndokuona vanhu vaungana panze vachida kunzwa nezvekurikitwa kwake.

“Semufish monger, kumvura kwatinoenda kunobata hove kunoitwa zvose zvose, kana kupondana chaiko kunoitika. Saka hakusi kuti mudzimai wangu akandikurira asi kuti ndakatya kuti ndikada kumudzosera ndaizomukuvadza kana kumuuraya.

“Kana kumapurisa handina kunomhan’ara mhosva iyi nekuda kwekutya kuti mudzimai wangu aizosungwa akaenda kujeri nemwana wangu mucheche,” anodaro.

Machira anoti nyaya iyi yakonzera kuti vasawirirane mumba mavo zvekuti havasi kutaura vose nemudzimai wake kana kufadzana muimba yekurara.

“Vanhu vari kundiseka kuti ndakadyiswa, vamwe varume vachiti ndakamujaidza, dai ndakamurova. Vamwewo vari kunditi usarambe uchigara nemunhu akadaro, achaguma akuuraya.”

Machira anofungidzira kuti musi uyu, mudzimai wake akanga akadhakwa afurirwa kunwa doro nevamwe vakadzi. “Pandiri kufamba vanhu vari kundiseka kuti iro rekurohwa nemukadzi rakapusa. Nyaya iyi ndakaisvitsa kuhama dzangu nekumadzitezvara kwaNzvimbo, kuChiweshe. Vose vari kungoti gadzirisanai. Kumba kwavo amai nababa vake vakafa, kwasara vanatsano chete,” anodaro.

Murume uyu anoti zvakaitika kwaari akazvifananidza nenyaya yemurume wekwaMutare uyo akaponderwa hembe dzeKirisimasi box nemudzimai wake.

“Imwe pfungwa inonditi ditame zvangu ndiende kunogara ndoga nekuti handizive zvaanondifungira asi ndinozonzwira vana vangu tsitsi,” anodaro.

Zvisinei, ari kuti mari yekutenga kudya mumba ari kupa mudzimai zvisinei nekunetsana kwavakaita pamusoro pehuku.

Pakashanyira Kwayedza kumba kwemurume uyu nemusi weChipiri, mudzimai wake akawanikwa asipo achinzi ainge anotengesa zvinhu mumusha weNohwe, mekare muNorton.

“Amai havapo, vaenda kuNohwe, nhamba dzavari kushandisa ndedzemunin’ina wavo ini handidzizive nemusoro sezvo foni yangu yakadzima. Ndichaedza kuti mutaure navo asi handifunge kuti vanobvuma. Vakauya ndichakutumirai nhamba dzavo kana nemifananidzo yavo ndokunge ndikakwanisa kuvatora,” anodaro Machira.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland West Inspector Clemence Mabgweazara vanokurudzira vanhurume kuti vamhan’are kana vachinge varohwa nemadzimai kwete kunyara.

Mai Edinah Masiyiwa, vanova executive director wesangano rinomirira kodzero dzemadzimai reWomen’s Action Group (WAG), vanoti varume ngavasarohwa nemadzimai mudzimba vachinyarara, asi kuti ngavaende kusangano ravo vachinobatsirwa kana kumhan’ara kumapurisa.

“Sesangano, tiripo kuyananisa madzimai nevarume vavo mudzimba kuti vagare zvakanaka. Murume uyu ngaauye timubatsire,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>