Uncategorized

Ndinosota Nzenza: N’anga . . . ‘Ndaishanda naNdunge’

10 May, 2019 - 00:05 0 Views
Ndinosota Nzenza: N’anga . . . ‘Ndaishanda naNdunge’ Mbuya Mamoyo — Mifananidzo naEdwrad Zvemisha

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MUKADZI wechidiki anova n’anga yekuChitungwiza — uyo anoti ndisahwira mukuru wemhuri yekwaNdunge inogara kuChipinge ari kubuda pachena kuti “anosota” vanhu nerunyoka kana kuti rukawo.

Letwin Manguwo (27), uyo anozivikanwa nezita rekuti Mbuya MaMoyo wekuUnit M, anoti aiva sahwira waSekuru Charles Makhuyana Ndunge avo vakashaika mwedzi wakapera.

Mukadzi wechidiki uyu — uyo anogona kutsanangudzwa semhenya kana kuti tsvarakadenga parunako — anoti rukawo inzira yaishandiswa kubva nakare pakuchengetedza dzimba dzevakaroorana sezvo zvichidzikamisa varume kana madzimai vanoita hunzenza.

“Angava murume kana mudzimai, akauya achiti haasi kuona kufamba zvakanaka kwemumwe wake, ndinoisa rukawo zvoita kuti rudo rwuitirwe mumba chete pasina kupoya. Rukawo urwu rwakasiyana, tine rwekunamirana, rwehove kana rwekuzvimba matumbu,” vanodaro.

Mbuya MaMoyo vanoti panouya vanhu vachida kuisa vamwe vavo runyoka, vanovheneka kuti vaone kana zvakakodzera sezvo kuine vamwe vanoda kuisa rukawo kuvanhu vavasina kuroorana navo.

“Pakadai apa ndinoramba, handiite izvozvo nekuti mashavi ari pandiri anozviona zvose.”

Mbuya MaMoyo vanoti vakatanga kusvikirwa nemudzimu wasekuru vavo nekubatwa neshavi renjuzu vaine makore mana ekuberekwa uye vakazotanga kushandira vanhu vava nemakore gumi nemaviri ekuzvarwa.

“Ndaigara nevabereki kwaSeke kuMaterera apo ndaingorwara zvaisanzwisiswa nevabereki vangu vanoti baba Ephraim Manguwo naamai Emerenziana Manguwo. Vabereki vangu ava vakazofamba vakanzwa kuti ndaisvikirwa uyewo ndiine shavi renjuzu, izvo vakafambira mudzimu ndokubuda kusvika nanhasi,” vanodaro.

Mbuya Mamoyo vaine murume wavo

Vanoti vadzidzisi vepazvikoro zvavakadzidza kubva Grade 1 kusvika Fomu 4, vaitoenda kwavari vachibatsirwa mumatambudziko avo akasiyana.

“Mudzimu unosvika pandiri unonzi Sekuru Charles Chari Manguwo Mativenga uyo unobatsiranawo nemashavi enjuzu ari pandiri,” vanodaro.

Mbuya MaMoyo vanoenderera mberi: “Mubasa rekurapa iri, ndakabatsirwa zvikuru nemuchakabvu Sekuru Ndunge uye ndakazouya ndikatorwa nevana vavo kusanganisira Jabulani Ndunge mushure mekunge varwara gore rakapera ra2018.

“Sezvo muchiziva kuti nyoka huru haizvirume, vakandikumbira kuti ndivarape izvo takabatsirana kusvika vazoshaya. Vakazofa ndichangobvako ndadzoka kuno kuHarare.”

Mbuya MaMoyo vanoti vakapihwa jira nendiro yemuti naSekuru Ndunge zvekusimbisa husahwira hwavo ivowo vakaita zvimwe chetezvo. Vakatobikirana doro rehusahwira sezvo vose vaiva nemashavi enjuzu.  “Handina mishonga yandakapihwa naSekuru Ndunge sezvo vakanditi vaiva nemishonga yakaipa neyakanaka. Vakanditi ndichiri mudiki, nekudaro vaisada kusvibisa matare angu.

“Vakandibatsira zvikuru nekundidzidzisa zvinoitwa mukubatwa kwevarwere nemafambisirwo ematare uyewo tsika nemagariro. Ndakarasikirwa zvikuru nekufa kwavo,” vanodaro.

Jabulani Ndunge

Mbuya MaMoyo vanopoda chiso chavo nekurova mucheno zvekuti kungovaona, hazvikasike kubvumika kuti in’anga.

“Takanga tatova nehukama naSekuru Ndunge nekuti ivo vaiyera Moyo Chirandu unova mutupo wanguwo saka vakanga vonditi tete.

“Handisati ndaenda kunobata mawoko, patsika dzechivanhu ndinoti kuchiri kunyoro. Ndichazoenda hangu kana kwaoma,” vanodaro Mbuya MaMoyo.

Vanoti vanorwadziwa zvikuru nevanhu vanorasa chivanhu netsika dzavo vachida kutevedza tsika dzevamwe.

“Murume wangu Pardon Nyamupfukudza (30) akatambira zvandiri, anonditsigira mubasa rekurapa. Tatova nevana vedu vatatu,” vanodaro.  Obvunzwa nezvehusahwira kwaMbuya MaMoyo nemhuri yavo, Jabulani Ndunge (44) — uyo anova mwanakomana mukuru waSekuru Ndunge — anotsinhira nyaya yekuti n’anga yechidzimai iyi ndisahwira wavo.

“Ichokwadi chavanoreva, tinovaziva. Ndisahwira wedu uye tinoshanda navo sezvo vaishanda nababa vachibatsirana mune zvakasiyana,” anodaro Jabulani.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>