Uncategorized

Kasvava kekumera mazamu kakapora

17 May, 2019 - 00:05 0 Views
Kasvava kekumera mazamu kakapora Kasvava kakamera mazamu

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MUKADZI wechidiki akaroorwa kuHurungwe — uyo anoti abatwa chibharo natezvara baba vemurume wake mbune, ndokumitiswa akazozvara kasvava ako kakazomera mazamu aibuda mukaka – anonzi akazobatsirwa kuchipatara cheParirenyatwa Group of Hospitals.

Muroora uyu anoti akabhinywa kaviri nababa vemurume wake apo aishanda muchitoro chavo chiri kuRutenga, mumugwagwa unobatanidza Masvingo neBeitbridge. Nyaya yemuroora uyu – uyo akambobuda muKwayedza nezita rake rekutanga rekuti Rumbi (20) – yakagumbura vaverengi vakawanda avo vaiti tezvara uyu anofanirwa kusungwa.

Rumbi anoti atezvara vake – avo vanove muzvinabhizimisi uye murimi wefodya kuHurungwe – vakaronga nemurume wavo kunovhura chitoro kuRutenga mushure mekunge vawana mari pavakatengesa fodya apo vakazomubata chibharo ikoko.

Rumbi nguva yadarika akange ave kugara naamai vake pane rimwe purazi pedyo nemuHarare mushure mekunge atiza tezvara ava kuRutenga.

Amai vake vakarambanawo nababa vake uye vave kumumwe murume.

Babamudiki vaRumbi vanoti dambudziko rekubuda mazamu nemukaka rekasvava kakazvarwa kubva mukubatwa chibharo aka rakazogadziriswa.

“Dambudziko remwana uyu rakapera apo akabatsirwa kuchipatara cheParirenyatwa. Takatombogara tose kuno kuHarare kusvikira ambuya vemwana uyu amai vemuroora uyu vanyengetedzana nemurume wavo uyo akanga avaramba kuHurungwe nekuda kwenyaya iyoyi. Vakadzokerana saka iye zvino vakadzokera vose kumusha ikoko,” vanodaro babamudiki ava.

Rumbi anonzi akatanga kurwara mushure mekunge nyaya yekuti akabatwa chibharo natezvara vake yabuda muKwayedza nepanhepfenyuro yeStar FM.

Tezvara ava vanonzi vakazotumira mashoko panhare yake vachimuvhundutsira kuti vachada kuona mukuru pakati pavo nemuroora uyu. Izvi zvakaita kuti vanoziva nezvenyaya iyi vafungire kuti zvichida tezvara uyu ndiye ainge aita kuti kasvava aka kamere mazamu aijuja mukaka.

Rumbi paakapa nyaya yekubhinywa kwake kuKwayedza, aiti tezvara vake havasati vasungwa uye akazomhan’ara nyaya yekubatwa kwake chibharo kumapurisa ekamba yeZRP yekwaMakoni, kuChitungwiza.

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Comissioner Paul Nyathi, vakavimbisa kuoongorora mafambiro ari kuita nyaya iyi.

“Regai tione kuti chii chaicho chakaitika uye kana chiri chokwadi kuti nyaya iyi yakamhan’arwa,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>