Tungundu yauraya munhu

17 Jan, 2020 - 00:01 0 Views
Tungundu yauraya munhu Dr Spargo

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

BAZI rinoona nezvekurapwa kwemhuka, reDepartment of Veterinary Services (VET), rinoti munhu mumwechete akafa, nemombe dzinosvika 165 nekuda kwechirwere chetungundu (anthrax).

Maronda etungundu

Izvi zvakaitika masvondo mashoma adarika kumatunhu anoti Makonde, Gutu, Bikita, Chimwanda West iri kuMarondera nekuMazowe.

Dr Reverend Spargo — avo vanoshanda kuchikamu chinoona nezvekudzivirirwa kwezvirwere kuzvipfuyo (Epidemiology and Disease Control) kuVET — vanotsinhira kuti chirwere chetungundu rava dambudziko.

Vanoti vari kushanda nebazi rezveutano nekurerwa kwevana mukuona kuti vanhu varapwa nekudzivirirwa kutungundu.

Dr Spargo vanoti kuChimbwanda West Dip Tank, kuMarondera tungundu yakauraya mombe mbiri panguva inotaurwa iyi.

“Ongororo yakaitwa mushure mekunge vanhu vatatu varwara vakarapwa pakiriniki yeko, uye hapana nyama yakawanikwa kuti inoitwa ongororo. Pamadhibha matatu emunzvimbo umu akashanyirwa, mombe 4 600 dzikabaiwa majekiseni ekudzivirira tungundu. KuMusonak, kuMakonde District, mombe 30 dzakafa nekuda kwetungundu uye munhu mumwe chete akarasikirwa neupenyu.

“KuGutu District paChamisa, Southdale neMatombo mombe 15 dzakafa nekuda uye mitumbi yakanovhenekwa zvikaonekwa kuti itungundu. Vanhu 37 vemunharaunda iyi vakaonekwawo kuti vanorwara nekuda kwechirwere ichi ndokurapwa kuGutu District Hospital neGutu Mission Hospital, Chatsworth Clinic neMunyikwa Clinic,” vanodaro.

Vanoti nyaya yechina yakaitika kuBikita uko mombe 28 dzakafa uye vanhu 14 vakarwara mushure mekudya kana kubata nyama yemombe idzi ndokunorapwa paMadzivire Clinic, Chikuku Clinic neSilveira Clinic.

“Nyaya yeshanu, ndeyemombe 90 dzakafa masvondo maviri adarika kuMazowe uye mombe 7 649 dzakabaiwa majekiseni ekudzivirira. Mishonga yekudzivirira chirwere ichi yakaendeswa kunzvimbo dzose idzo dzainyuka tungundu uye vashandi veVET vari mushishi kudzibaya.

“Zimbabwe inoda mishonga ingangoita 600 000 doses yekudzivirira tungundu uye isu pari zvino tine mishonga inosvika 800 000 doses,” vanodaro.

Munguva pfupi yadarika, kuGoromonzi mombe dzinodarika pfumbamwe dzakafa nechirwere chetungundu vamwe vanhu veko vakarwara mushure mekudya nyama yadzo.

Dr Spargo vanoti kuGoromonzi chirwere ichi chakambomira zvichitevera kurapwa kwevanhu uye kubaiswa kwemombe.

“Tinokuridzira vanhu kuti vasadye nyama dzemombe dzinongofa dzoga asi kuti vazivise madhumeni ari pedyo navo nekuti mitumbi yadzo inofanira kupiswa, yofushirwa. Utachiona hwetungundu hunobva muvhu uye hunogara kwemakore anodarika makumi mashanu, saka panguva inonaya mvura hunobuda pachena mombe dzobatira pakufura. Mushonga mukuru kuvarimi kuona kuti mombe dzadhibhiswa uye dzabaiwa majekiseni ekudzivirira,” vanodaro.

Vanoti tungundu inotapuriranwa kubva kumombe chichienda kuvanhu asi inorapika kuvanhu kana ichinge yakurumidzirwa.

“Vanhu ngavasiyane nekutenga nyama dzemumikoto zvisinei nekuti inenge yakachipa nekuti zvine rufu. Nyama dzemumabhaketi zhinji dzacho ndedzemombe dzakafa dzoga,” vanodaro.

Dr Josphat Nyika, avo vanova chief director weVET, vanotiwo veruzhinji vave kuratidza kuve neruzivo pamusoro penjodzi yekudya nyama yemombe dzinofa dzoga.

“Veruzhinji vave kuratidza kutya nokudaro vari kuramba vachifona pavanenge vaita fungidziro yechirwere ichi,” vanodaro.

“Mitezo yemombe inenge yafa netungundu haikasiki kuoma, inobuda ropa rakasviba risingakasiki kugwambwa. Kubata, kudya kana kufema utachiona hwetungundu kunoita kuti munhu arware. Gomba rinoiswa mombe yafa rinofanira kunge rakadzika kwemamita maviri podirwa lime, rozofushirwa kuti isapararire,” vanodaro.

 

Share This:

Sponsored Links