Ruzhinji rwopemberera budiriro

17 Apr, 2024 - 17:04 0 Views
Ruzhinji rwopemberera budiriro VaCanaan Matika

Kwayedza

Kingstone Mapupu

VERUZHINJI vari kurumbidza kuwana kwakaita Zimbabwe kuzvitonga kuzere vachiti mukurarama kwevanhu, hapana chinokunda rusununguko sezvo izvi zvichivapa mikana yekuita mabasa avo vakasununguka izvo zvakakosha mukusimudzira upfumi hwenyika.

Zimbabwe ichacherechedza makore 44 yawana kuzvitonga kuzere nemusi weChina uno, 18 Kubvumbi, apo mheremberero huru dziri kuitirwa kwaMurambinda, kuBuhera.

Mai Getrude Nyamaka (29) vekuTsakare, kwaMambo Kandeya, kuMt Darwin, vanoti semadzimai vava kuwana mikana yakaenzana nevanhurume nekuda kwerusununguko urwu.

Getrude Nyamaka

“Nekuda kwerusununguko, tava kuitawo mabasa ainzi ndeevarume chete kare mumakambani kana pazvinzvimbo zvepamusoro tava kuwanikwa tiripo,” vanodaro Mai Nyamaka.

Sekuru Bonface Katerere (75) vekwaMashambanhaka, kuUzumba, vanoti hakuna chinhu chakakosha sekuwana rusununguko.

“Tinoti makorokoto Zimbabwe nekusvitsa makore 44 ekuzvitonga kuzere. Tinawo makomuredhi, vanamujibha nanachimbwido nevabereki vose vakatungamirira Chimurenga chakaunza rusununguko naivo varere kumarinda akasiyana vakaonekwa nevasina muno munyika yedu, kuMozambique, Tanzania, Zambia nekumwe tinovaremekedza,” vanodaro VaKaterere.

Sekuru Bonface Katerere

Vanokurudzira vechidiki kuti vazive nhoroondo yekwakabva rusununguko rwenyika sezvo vari ivo vatungamiri vamangwana.

“Tsika dzedu sevanhu vatema ngadzitevedzwe zvizere kutsigira rusununguko rwedu. Tine mhondoro nemasvikiro vakatungamirira kusununguka kwenyika nekudaro ngatisavarasei nekuti vane basa guru mukuuya kwakaita rusununguko,” vanodaro Sekuru Katerere.

Mai Mirriam Chigiji (27) vanobva kwaSadza, kuChivhu, vanotenda rusununguko sevanhukadzi sezvo kare vanasikana vaisakosheswa panyaya dzekuendeswa kuchikoro vachinzi havana chibatsiro mukurarama.

“Madzimai tava kuzvishandira mune zvose uyewo vana vedu vava kuenda kuzvikoro zvepamusoro zvaimboendwa nevachena chete,” vanodaro Mai Chigiji.

Mai Mirriam Chigiji

VaCanaan Matika (68), avo vaiva mujibha munguva yehondo yekusunungura Zimbabwe uye vachishandisa zita rekuti “Mogonyei Mabhunu” vanobva kuNjanja, kuChivhu, vanoti kuwana kuzvitonga kuzere kwaunza budiriro yakakura.

“Munyika muno maisava nezvikoro zvakawanda izvo zvakazovakwa tawana kuzvitonga kuzere vanhu vakaenda kuchikoro pachena, kwakavakwa mazambuko, makiriniki nezvipatara, madhamu neimwe budiriro yakasiyana,” vanodaro VaMatika.

Vanokurudzirawo vechidiki kuti vachengetedze rusununguko.

Bishop Heavington Takaendesa Samuronda

Bishop Heavington Takaendesa Samuronda (33) vechechi yeSt Angels Apostolic Church vanoti rusununguko rwakaita kuti vanhu vatema vakwanisewo kuvamba machechi avo pane kungonamata aibva kunyika dzemhiri.

“Saka tinotenda nekuti zvainetsa kuti isu tinzi vanabishop. Tinotenda vatungamiri vemamwe machechi vakafanotungamirira kuvamba machechi evanhu vatema muno vakaita samuchakabvu (gamba renyika) Archbishop Guti vaitungamirira ZAOGA nevamwe,” vanodaro Bishop Samuronda.

VaTanyaradzwa Takaendesa (27) vekuNorton vanoti vari kuonawo zvibereko zvekuwana rusununguko rweZimbabwe.

“Tiri kutevera mutsoka dzevakuru vedu pakuchengetedza rusununguko rwenyika. Isu vechidiki tinofanirwa kuita hunhu hwakanaka sezvo tichizova vatungamiri vamangwana,” vanodaro VaTakaendesa.

Share This:

Sponsored Links