Zim@44: Buhera yotinhira nebudiriro

17 Apr, 2024 - 17:04 0 Views
Zim@44: Buhera yotinhira nebudiriro Chikoro cheMurambinda B mushure mekuvandudzwa

Kwayedza

Kingstone Mapupu

NHENGO dzedare reParamende nehumwe hutungamiri kuBuhera vanoti kuitirwa kwemhemberero huru dzekuzvitonga kuzere kweZimbabwe kwaMurambinda kwaunza budiriro yakakura mudunhu ravo.

Mumiriri weBuhera South mudare reNational Assembly, Cde Ngonidzashe Mudekunye, vanoti vanofadzwa zvikuru nedanho rakatorwa neHurumende rekuti mhemberero idzi dziitirwe kuBuhera.

“Tinoti tarangarirwa nemutungamiri wenyika yedu Cde Mnangagwa vakaronga kuti mhemberero idzi dziitirwe kuno. Tawaniswa budiriro kuno, migwagwa yakagadzirwa, makiriniki nezvikoro zvikavandudzwa, zvibhorani zvikacherwa zvitsva nezvimwe zvakavandudzwa,” vanodaro Cde Mudekunye.

Mashoko avo anotsinhirwa naVaFreeman Mavhiza, avo vanove mudzviti weBuhera, vachiti kuunzwa kwemhemberero dzekuzvitonga kuzere kudunhu ravo idanho guru munhoroondo yavo.

“Ini samudzviti wedunhu rino, ndinonzwa kufara zvikuru nekuti tarangarirwa nehutungamiri hwedu hwaunza budiriro kuno. Hapana chikamu chisina kubatwa munyaya dzebudiriro, kubvira kuzvivakwa nemigwagwa nekuwaniswa mvura. Regai ndizivise nyika yose kuti tagadzirira mhemberero idzi pano paMurambinda, kuno taimbotarisirwa pasi asi Cde Mnangagwa vatiisa panzvimbo yedu chaiyo,” vanodaro VaMavhiza.

Kiriniki yeMutasa

Vanoti mabasa ebuduriro ari kuitwa kunzvimbo dzose dzeBuhera dzinosanganisira Buhera South, Buhera West, Buhera Central neBuhera North.

Kugadzirwa kwemugwagwa kuBuhera

Dr Emily Chibvongodze vanova chamangwiza weBuhera Rural District Council vanorumbidzawo budiriro yaunzwa mudunhu ravo nekuda kwemhemberero dzekuzvitonga kuzere kweZimbabwe.

“Mapazi ose muno akabatana padonzvo rimwe chete remabasa ebudiriro zvakasimbiswa nekuunzwa kwemhemberero dzekuzvitonga kuzere dziri kuitirwa muno. Hapana nzvimbo iri kusara isina budiriro muno muBuhera, ndimo mune nhoroondo yeDzapasi Assembly Point apo pakaungana vaiva varwi vehondo yeChimurenga vachidzoka kumusha kubva kunosunungura nyika. Saka pane chirevo chakasimba, tichitendawo mutungamiri wenyika nekutiyeuka zvakadai kuno kuBuhera,” vanodaro Dr Chibvongodze.

VaThomas Matsenhura, sachigaro wekanzuru yeBuhera Rural District Council, vanotiwo: “Tinotenda mutungamiri wenyika nekuunza mhemberero dzekuzvitonga kuzere kuno kuBuhera. Chokwadi aya manera munyaya dzebudiriro yemudunhu rose reBuhera atawaniswa saka tose sehutungamiri muno muBuhera tamira takatsika nemuono webudiriro.”

Share This:

Sponsored Links