Madzimai tungamirai mune zvemitambo

10 Sep, 2020 - 11:09 0 Views
Madzimai tungamirai mune zvemitambo Joyce Kapota

Kwayedza

Abel Ndooka

VANHUKADZI vokurudzirwa kuti vapinde munyaya dzehutungamiriri hwemitambo yakasiyana-siyana kwete kutyira kure vachiti ndezvevarume chete.

Kurudziro iyi yakaitwa nachamangwiza weAmor Sports Consultancy Joyce Kapota uyo anove mudzimai ari kusimukira zvikuru munyika panyaya dzekutungamira zvemitambo.

Kapota vazhinji vanomuziva panguva yaakamboshanda kuCAPS United ari mutauriri wechikwata ichi.

Achibva kuchikwata ichi, akashanda mabasa akasiyana panguva iyo kune rimwe divi aienderera mberi nefundo yake achiita zvidzidzo zveFIFA Administration kuInternational Centre for Sports Studies (CIES) neNelson Mandela University yekuSouth Africa.

Muhurukuro neKwayedza, Kapota anoti yasvika nguva yekuti madzimai achitanga kurakidzawo kuti anogona uye anokwanisa kutungamira mitambo yakasiyana sezvinoitwa nevanhurume.

“Hapana chinombotitadzisa kuti isu madzimai tibate zvigaro zvikuru mumitambo mikuru yemunyika. Saka ini ndiri kutorwirawo kodzero dzevanhukadzi kuti tiwanikwe tichitungamira mitambo yakasiyana.

“Varipo mamwe madzimai vane zvigaro mune mumitambo yakasiyana, saka tikawanda izwi redu rinoita simba uye zvinotibatsira pakuronga mitambo yakasiyana,” anodaro Kapota.

Sangano rake reAmor Sports Consultancy, iro achangovamba, richange richiita mabasa ekusimudzira mitambo isingawaniswe mukurumbira zvakanyanya. Kapota anoti ari kuedza nepaanogona kushandisa mitambo yakasiyana kubatanidza vanhu.

“Sekuziva kwedu tose, mitambo inobatanidza vanhu vanobva kwakasiyana uye vemazera akasiyana. Saka isu sesangano chinangwa chedu kuti mitambo iyi tiisvitse kumatunhu akasiyana, tidzidzise vanhu kuti mitambo inokosha uye unogona kurarama nayo.

“Kune dzimwe nyika, vanhu vari kurarama nemitambo yakasiyana vachigara zvakanaka chaizvo. Saka isu chinangwa chedu kuti zvimwe chetewo izvi zviitike munyika ino yedu. Ndizvo zvimwe zvezvinangwa zveAmor Sports,” anodaro Kapota.

Share This:

Sponsored Links