Murume (49) afa adya vhuka-vhuka

08 Apr, 2024 - 17:04 0 Views
Murume (49) afa adya vhuka-vhuka Guchu remishonga

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MURUME wekwaChireya, kuGokwe, anonzi akafa adya mushonga wevhuka-vhuka achida kusimbisa musana.

Mushonga uyu ainge aupihwa neimwe n’anga yeko iyo yakatosungwa nemapurisa ichipomerwa mhosva yekukonzeresa rufu.

Macdonald Ndlovu (49), uyo anova n’anga wekwaSabhuku Chireya, kwaMambo Chireya, akasungwa nemhosva yaari kupomerwa yekukonzera kufa kwaIsaac Kabarapate.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko, vanoti mukupera kwemwedzi waKurume, Chiedza Ndimuranwa (43) akabva pamba achienda kubindu kurwizi rwaUme achisiya murume wake, Kabarapate, ari pamba.

“Mudzimai uyu akazodzoka pamba kuma11:00 dzekumangwanani iwayo ndokutaurirwa nemuroora wavo kuti Isaac Kabarapate aiva akarara musango chinhambwe chemamita 150 kubva pamba pavo achinzi airwadziwa nemudumbu mushure mekudya mushonga wevhuka-vhuka,” vanodaro Insp Mahoko.

Kabarapate anonzi akazotaurira mudzimai wake kuti aiva aenda kun’anga inonzi Macdonald Ndlovu kunobatsirwa nemushonga wekusimbisa musana.

“Kabarapate achitaurira mudzimai wake, akati aiva apihwa mishonga yechivanhu nen’anga inonzi Macdonald Ndlovu uyo akadya achibva atanga kurwadziwa nemudumbu ipapo ndokutanga kurutsa ropa achangopedza kuidya,” vanodaro Insp Mahoko.

Vanoti Ndimuranwa nemukoma wemurume wake vakazotakura Kabarapate kuenda naye kuchipatara cheChireya Mission Hospital apo akafa vachiri munzira.

Inspector Emmanuel Mahoko

“Nyaya iyi yakazomhan’arwa kumapurisa Ndlovu achibva asungwa nemhosva yekuponda,” vanodaro Insp Mahoko.

Mutumbi waKabarapate wakazoendeswa kuchipatara cheUnited Bulawayo Hospitals kunoongororwa.

Insp Mahoko vanoyambira varume vane matambudziko emusana kuti vaende kunobatsirwa nemachiremba akadzidzira basa kwete kupihwa mishonga yemumigwagwa.

“Mishonga yekupihwa mumigwagwa haina mipimo sezvinoitwa nemachiremba akadzidzira basa saka tinokurudzira vangava varume kana vanhukadzi vanoda kurapwa kuti vaende kumachiremba akadzidzira basa uye kana kuri kuchivanhu voenda kumachiremba ane matsamba akadai seekuZinatha kana kune mamwe masangano anopa magwaro aya. Taita dambudziko revarume vanofa vadya mishonga inodaidzwa kuti guchu,” vanodaro.

Vanoti kune vamwe vanhu vari kunotsvaga mari nekutengesa mishonga yechiuvanhu yavasina ruzivo rwakazara nezvayo.

Share This:

Sponsored Links