Mbavha dzemombe dzaigochera pautsi

05 Apr, 2024 - 15:04 0 Views
Mbavha dzemombe dzaigochera pautsi Assistant Commissioner Paul Nyathi

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MBAVHA mbiri idzo dzange dzaonesa varimi vekuKadoma pfumvu nekuvabira zvipfuyo zvavo izvo zvakaona vachiba mombe 28 dzinokosha US$14 000 dzasungwa.

Francis Masvora (54) naTakudzwa Masvora (26) vari kupomerwa mhosva yekuba mombe 28 kunharaunda yeTurf, kuKadoma.

Mhosva idzi dzinonzi dzakaparwa panguva inobvira Ndira kusvika Kukadzi gore rino.

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanoti nemusi wa27 Kurume, mapurisa akawana mashoko ekwaiva nevasungwa ava kuEiffel Flats, kuKadoma, ndokuendako.

“Mashoko akawanikwa nemapurisa akaburitsa kuti vaviri ava vainge vakachengeta mombe dzinokwana 15 idzo vakaonekwa vainadzo vakatadza kutsanangura kuti vakadziwana sei vachibva vasungwa. Vakazoendwa navo vakanoratidza mapurisa mhou sere, matsiru mana, bhuru rimwe chete nemhuru mbiri dzaiva mumatanga evaviri ava idzo dzakazivikanwa nevaridzi vadzo vashanu,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Mukufambira mberi nekuferefetwa kwenyaya iyi, kwakazowanikwa zvakare dzimwe mombe 13 dzaiva dzakatengeswa kune vamwe vanhu vashanu.

Mombe dzose dzakawanikwa dzinokosha US$14 000.00.

Munyaya inodyidzana neiyi, mapurisa ekuKadoma vakasunga zvekare Munashe Mugova (23) naJulius Hlanayi (23) nekuda kwemhosva yekuba mombe yakaparwa nemusi wa16 Kurume papurazi rePamene kwakare kuKadoma apo pakabiwa matsiru maviri.

“Nemusi wa17 Kurume, mapurisa vakaenda kunoferefeta nyaya iyi ndokukomberedza puroti yevanhu ava. Apo vakaona mapurisa, vaviri ava vakatanga kutiza ndokusiya mombe gumi nenhatu mudanga ravo, matsiru maviri akabva azivikanwa nevaridzi vawo. Dzimwe mombe gumi neimwe chete dzinofungidzirwa kuti dzakabiwa dzakaiswa mumaoko asabhuku weko kuti adzichengetedze dzakamirira kuwana varidzi vadzo,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Zvichakadai, nemusi wa30 Kurume, mapurisa vakawanawo mashoko ekwaitengeswa nyama yemombe dzakabiwa apo vakaenda kuChakari ndokusunga Tawanda Musongeya (38) pamba pake kuMeldon Ace Mine.

“Mapurisa vakasecha mumba make vakawana mutumbi wemombe, murume uyu akazodurawo kuti aiba pamwe chete nemukoma wake Hardlife Musongeya nemukuwasha wake Praise Mboni,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Vanoti Hardlife Musongeya naMboni pavakaona mapurisa vakabva vatiza.

Mukuferefetwea kwenyaya iyi, zvakabuda kuti vatatu ava vaiva vapa madzimai avo basa rekutengesa nyama mukomboni yeDalny, kuChakari.

Madzimai aya ndiTirevei Jacob (32), Kudzanai Salimu (19) naNoster Simon (34) avo vose vakabva vasungwa nekuda kwenyaya iyi.

Tawanda Musongeya anonzi akazotungamirira mapurisa kumafuro eKabhanga Grazing Area kunovaratidza mabiro avaiita mombe, zvikabuda kuti vaiba mombe vachinouraira kunzvimbo yeMukamba iri kuChakari.

“Kunzvimbo iyi mapurisa vakawana musoro wemombe njuma, mazondo mana, matumbu, nedehwe bvumbu. Mapurisa vakazowanawo misoro mina yemombe yaiva yawora mipfumbu nemumwe mutema waivawo wawora. Misoro iyi yakaonekwa chinhambwe chemamita gumi nemashanu kubva panzvimbo yaiurairwa mombe iyi,” vanodaro.

Mapurisa vari kukumbira kuruzhinji mashoko anoita kuti vakwanise kusunga Hardlife Musongeya (25) naMboni (28) avo vari kutsvagwa nekuda kwenyaya dzekuba mombe.

Vane zvavanoda kuzivisa mapurisa vanokwanisa kuvabata panhare dzinoti (0242) 703 631 kana paWhatsApp pa0712 800 197.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>